Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vachangopedza Zvidzidzo Voshora Hurongwa hweHurumende hwekuti Vaiswe Pasi peBazi reDzidzo Yepamusorosoro


Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo vari muzvipatara zvehurumende vachiratidzira.
Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo vari muzvipatara zvehurumende vachiratidzira.

Vamwe vanachiremba vakapedza zvidzidzo zvavo vari kushoropodza danho rehurumende rekubvisa vanachiremba vachangopedza zvidzidzo kana kuti junior doctors pasi pebazi rezvehutano vachiiswa kubazi rezvedzidzo yepamusoro.

Izvi zvinotevera tsamba yakanyorwa neChishanu nemunyori mukuru mubazi rezvehutano Doctor Gerald Gwinji ichienda kuzvipatara zvikuru zvemunyika, ichizivisa zvipatara izvi kuti zvaizowana vanachiremba vachangopedza zvidzidzo ava kuti vashande muzvipatara izvi kutanga kwegore ra 2019, uye vanenge vave pasi pebazi rezvedzidzo yepamusoro.

Danho iri rinonzi rinenge rave kureva kuti vanachiremba ava, avo vanga vachibhadharwa mihoro, vanenge vasisatambiriswa mari sezvo vanenge vave vana vechikoro.

Kuramwa mabasa kwavanachiremba kunonzi kwatadzisawo kuti bvunzo mbiri dzekupedzisira dzevari kudzidzira kuve vanachiremba dzinyorwe pachipatara cheParirenyatwa.

Hatina kukwanisa kubata vebazi rezvehutano kanawo Doctor Gwinji panyaya iyi.

Asi vakambotungamira sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Edgar Munatsi vanoti danho ratorwa nehurumende iri harina zvarinobatsira nekuti chiremba paanonyora bvunzo dzake mugore rechishanu anenge atopedza zvidzidzo zvake.

Doctor Munatsi vanoti pasi rose vanachiremba vadiki ava vanenge vatove vanachiremba, kwete kuti vanonzi vachiri vadzidzi.

Vanoti vanokurudzira hurumende kuti igadzirise dambudziko iri nekukasika sezvo vanhu vari kuramba vachishupika muzvipatara.

Mashoko atatambira anoti vanachiremba vari kunzi nehurumende vange vachitsiva vari kuramwa mabasa aya vari kuti havasi kuzotambira zviri kudiwa nehurumende izvi.

Vanachiremba ava vakatanga kuramwa mabasa musi wa 1 mwedzi uno vachinyunyuta nemashandiro avo pamwe nemihoro yavo yavari kuti vanoda kuti vabhadharwe nemari yekuAmerica.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG