Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, Vanosangana neVakwegura


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vasangana nevakwegura mazana manomwe vanobva muHarare neChitungwiza pamabiko ekupemberera zororo reKisimusi pamwe nekutendawo Musiki aitirwa mumusha weHighfield muHarare.

VaChamisa vanoti vatorawo mukana uyu kugoverawo zvipo zveKisimusi kune vakwegura ava, avo vane makore anotangira pamakore makumi manomwe nemashanu zvichikwira.

"Ichi chiitiko chatatanga kuparura gore rino, asi tine chishuvo chekuti chipararire nyika yose kumaruwa, kunzvimbo dzakasiyanasiyana, kuti wega wega munhu ane makore 75 zvichienda kumusoro, eeh, kunosanganisira vanaVaMnangagwa vanenge vari kuma 75, kusanganisira vanaVaMugabe vanenge vari kuna 90 chakadeno tinenge tichidawo kuti vange varipo. Nhasi tanga takatokoka tichitarisira kuti vange varipowo," vadaro VaChamisa.

Mari yakashandiswa kutenga zvipo izvi inonzi yakaunganidzwa pamabiko emutungamiri webato akaitwa mumazuva achangodarika.

Mutungamiri wemMDC uyu anoti mabiko anhasi aya anga asineyi nezvematongerwo enyika, sezvo vakwegura ava vasarudzwa zvisineyi nekuti vanoita zvematongerwo enyika here kana kuti kwete.

"Tanga tichitarisa munhu nemakore ake. Zvemapato izvi zvinopatsanura vanhu. zvemapato izvi handiyo Zimbabwe. Zvemapato izvi handiyo Africa. Mapato anopatsanura hunhu hwedu. Mapato anopfuura. inongova nzira yekuti vanhu vange vachitsvaga nzira kana kutseketudza kutaura," VaChamisa vanodaro.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG