Accessibility links

Breaking News

Sangano reVashandi reZCTU Royambira nezveKuramwa Mabasa kweVashandi Nyika Yose


Vakuru vakuru veZCTU, VaTirivanhu Marimo, nemutungamiri weZCTU VaPeter Mutasa.
Vakuru vakuru veZCTU, VaTirivanhu Marimo, nemutungamiri weZCTU VaPeter Mutasa.

Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kuyambira kuti vashandi nyika yose vachakanda mapadza pasi mugoredzva ra 2019 kana hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ikakundikana kugadzirisa matambudziko mune zveupfumi, ayo asunga nyika mbiradzakondo.

Mutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa, vanoti vachatora matanho aya mushure mekurovana masoro kwakaita masangano ose anomirira vashandi ari pasi peZCTU, vachiti kuomerwa kwavaitwa nehupenyu ndiko kuri kuvatuma.

Vanoti nhengo dzavo dzakavatuma kuti vatotanga kuunganidza masangano evashandi, vadzidzi nevese vana veZimbabwe zvisineyi nekuti ndevemapato api ezvematongerwo enyika, kuti vaungane pamwechete patorwe matanho nekukasika.

VaMutasa vanoti vashandi vakawanda vakatarisana nekurasikirwa nemabasa nekuda kwekuvharwa kwemakambani kuri kutarisirwa muna 2019, uye mihoro yavo yaeredzwa zvakanyanya nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari kukurudzirawo kuti paitwe nhaurirano pakati pehurumende, vashandi pamwe nevashandirwi nekukasika zvinhu zvisati zvadzokera kuna 2008, apo nyika yakanga yamira nemuswe.

"Hurumende kana ichida nekukurumidza inofanirwa kuti idaidzire dare reTNF, Tripartite Negotiating Forum, nekuchumbidza," VaMutasa vanodaro.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG