Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vari kutrisirwa kuparura bhajeti regore rinouya kumatare eparamende eNational Assembly neSenate nemusi weChina svondo rinouya..
Gurukota rezvevashandi pamwe nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, neMuvhuro vanonzi vakaburitsa pachena dambudziko riri kutadzisa kuti nhaurirano dzemihoro pakati pevashandi vehurumende nehurumende dzisimuke.
Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, riri kukurudzira kuti paitwe ongororo yehonzeri yekufa kwevasungwa vangangosvika zana vanonzi vakafira mumajeri emunyika kubva kutanga kwegore rino
Vanhu vanodarika zviuru makumi mana mudunhu reChivi, kuMasvingo, vanonzi vakatarisana nenzara inotyisa kana vakasawana rubatsiro rwechikafu nekukasika
Sangano revagari vekuChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, rinoti harisi kuzotambira zvichaburitswa negwaro reongororo yezvivakwa zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo kuChitungwiza nekumaruwa ekwaSeke, iro rabuda
Kunyange hazvo vaitungamira sarudzo dzeZanu PF dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu dzakaitwa mukupera kwesvondo vachiti sarudzo idzi dzakafamba zvakanaka, vamwe vakakwikwidza musarudzo idzi vanoti dzakanga dziine zvimhingamipinyi zvakawandisa kwazvo
Kunonoka kwehurumende kuvandudza mimwe mitemo iyi kuitira kuti ifambidzane nebumbiro idzva remitemo yenyika kunonzi kuri kukonzera kusajeka nekusanzwisisika kwemitemo inofanirwa kuteverwa munyika
Gwaro raburitswa nerimwe bhanga remunyika, reTetrad Bank, rinoti kuwanda kwezvinhu uku kwakonzera kuderera kwemitengo yezvinhu, chinove chiratidzo chekushomeka kwevanozvida.
Nhengo yeMDC T kuUzumba, VaEdson Zungunde, vanoti midziyo yakati kuti inosanganisira mbatya nezvimwe zvinokosha yakaparadzwa uye kubiwa muchiitiko ichi.
Vanoona nezvetsvakurudzo kuchamhembe kweAfrica musangano reAmnesty International, VaSimeon Mawanza, vanoti zvakakosha zvikuru kuti vadare veparamende vaende kuparamende vachiita kuti mitemo iyi ifambidzane nebumbiro remitemo.
Apo pasi rose riri mushishi kugadzirira kucherechedzwa kwemazuva gumi nematanhatu ekupokana nekushungurudzwa kwevanhukadzi kubva musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa10 Zvita, vadare vechidzimai vemunyika vaungana pane imwe hotera muHarare kuti varonge pamwe nekuzeya kuti paramende ingabata sei nyaya dzekupedza kubatwa chibharo pamwe nekushungurudzwa kwevanhukadzi
Bato reMDC T ragara richinyunyuta kuti nhengo dzaro munyika yose dziri kunyimwa mbeu pamwe nechikafu zvinenge zvichifanirwa kupihwa vanhu vose pachena nehurumende.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vashanyira zvivakwa zvakapwanywa kuruwa, uko vanonzi vashora zvikuru chiitiko chekuputswa kwezvivakwa zvinonzi zviri kunze kwemutemo
Zvikwata zvakaumbwa neZanu PF kuti zvitungamire kuitwa kwesarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu mumatunhu manomwe asara, pamwe nemasachigaro ematunhu aya, vasangana pamuzinda webato iri muHarare kuti varonge nzira dzekuita nadzo sarudzo dzakachena
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti danho rakatorwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, rekuvandudza zvinhu kuZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, rinogona kunge rakanangana nekuedza kuvandudzwa kwenhepfenyuro iyi.
MDC T inotadza zvakare kuita musangano wayo weStanding Committee mushure mekunge dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakundikana kuenda kumusangano uyu
Gwaro reongororo munyaya dzehuwori raburitswa nesangano reAfrobarometer kuDakar, kuSenegal, rinoratidza kuti nyaya dzehuwori dziri kukwira munyika zhinji dzemuAfrica.
CHRA inoti vagari havachaziva zvekutevera panyaya yekuputswa kwezvivakwa zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo, sezvo hurumende nekanzuru vasiri kutaura nezwi rimwe chete
Bato reMDC inotungamirirwa nevaimbowe mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai rinoti riri kutarisira kuti mutevedzeri wasachigaro waro, VaMorgen Komichi, vagadzwe semumwe wemaseneta edunhu reMidlands svondo rinouya panovhurwa paramende
Masangano akawanda pamwe nevamwe vanhu munyika vanoti vari kushora zvikuru chirongwa chakatangwa nehurumende chekuchenura maguta pamwe nekumaruwa, kuburikidza nekuputsa zvivakwa zvakaiswa munzvimbo dzisingabvumidzwi
Rodhai zvimwe