Accessibility links

Breaking News

Vadarekadzi Votsvaga Nzira Dzinopedza Kushungurudzwa kweVanhukadzi


Vadare vemapato ose ari muhurumende, kusanganisira Muzvare Oppah Muchinguri veZanu PF vaungana pamwe
Vadare vemapato ose ari muhurumende, kusanganisira Muzvare Oppah Muchinguri veZanu PF vaungana pamwe
Apo pasi rose riri mushishi kugadzirira kucherechedzwa kwemazuva gumi nematanhatu ekupokana nekushungurudzwa kwevanhukadzi kubva musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa10 Zvita, vadare vechidzimai vemunyika vaungana pane imwe hotera muHarare kuti varonge pamwe nekuzeya kuti paramende ingabata sei nyaya dzekupedza kubatwa chibharo pamwe nekushungurudzwa kwevanhukadzi.

Vadare ava, avo vabva kumapato ose ari muparamende, vanonzi vari kudawo kuti vanenge vapara mhosva idzi vapiwe mitongo yakaomarara.

Musangano wevadare uyu unonzi varongwa nemasangano anoti reThe Women’s Trust richishanda nereMusasa Project uye watsigirwawo nemari nemuzinda weBritain uri muZimbabwe.

Kubatwa chibharo kwemadzimai nevanasikana kunonzi kwakakwira gore rino munyika zvichienzaniswa nenguva imwe cheteyo gore rapera.

Muguta reHarare, vanhukadzi vanosvika mazana matanhatu nemakumi matanhatu
ane vana, vanonzi vakabatwa chibharo mukati memwedzi gumi yekutanga kwegore.

Pahuwandu uhwu, chidimbu chavo chinonzi vana vadiki nevari kuyaruka.

Nyaya dzinosvika mazana matatu nemakumi manomwe neina dzinonzi dzakasvitswa kumapurisa mukati megore rino mudunhu reMidlands.

Munyika yose, zvinonzi nyaya dzinosvika zviuru zvitatu nemazana mana ane makumi maviri neimwe dzekushungurudzwa kwevanhukadzi dzakamhang’arwa kusvika mumwedzi waGumiguru gore rino.

Mukuru wesangano reWomen Aids Support Network, Amai Mary Sandasi, vanoti danho ratorwa nemadzimai edare reparamende iri rakakosha zvikuru mukurwisana nedambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai, sezvo richiburitsa pachena matambudziko avo.

Amai Sandasi vanotiwo kucherechedzwa kwekodzero dzemadzimai hakufanirwi kungoitwa mukati memazuva gumi nematanhatu aya, asi kuti mazuva ose mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu epagore.

Sachigaro webhodhi rePadare/Enkundleni, VaJonah Gokova, avo vanga vari kuBinga, vanotiwo sangano ravo riri kushanda zvakasimba kuti rione kuti vanhurume varemekedza kodzero dzemadzimai.

VaGokova vanotiwo vari mushishi kuedza kuti vanhurume vaseme vamwe vavo vachiri kushungurudza madzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG