Accessibility links

Breaking News

VaGoche Vokurudzira Vashandi veHurumende Kushanda Pamwe


Gore rasvika mukupera vashandi vehurumende vasati vawedzerwa mari dzemihoro
Gurukota rezvevashandi pamwe nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, neMuvhuro vanonzi vakaburitsa pachena dambudziko riri kutadzisa kuti nhaurirano dzemihoro pakati pevashandi vehurumende nehurumende dzisimuke, vachiti riri kubva mumasangano ari kumirira vashandi avakati haasi kushanda pamwe.

Pamusangano wavakaita nevamiriri vevashandi vehurumende, VaGoche vanonzi vakapa masangano ari pasi peApex Council mazuva mashanu ekuti vagadzirisane, uye kubuda nemazita evanhu vapfumbamwe vachamirira vashandi munhaurirano.

VaGoche vanonzi vakaburitsawo pachena kutemerana muvhu kunonzi kuri kuitika mumasangano aya mushure mekuburitsa tsamba mbiri dzavanonzi vakati vakadzinyorerwa nesangano reZimbabwe Teachers’ Association, Zimta, zvisingazivikanwi nemamwe masangano.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza mamwe masangano, izvo zvakazoita kuti pakandiranwe makobvu nematete.

Masangano evashandi aya akazosunga kuti vasangane neChishanu chesvondo rino kuti vagadzirise zvimhingamipinyi izvi uye kubuda nemazita avachasvitsa kuhurumende vasati vasangana zvakare naVaGoche neMuvhuro svondo rinouya.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi, uyo ari kutambira madhora mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemanomwe emadhora pamwedzi, atambire mari inofambirana nepoverty datum line, iyo inonzi iri pamazana mashanu nemakumi manomwe emadhora.

Sachigaro weApex Council, uye vachitungamira sangano reCollege Lecturers Association of Zimbabwe, VaDavid Dzatsunga, vaudza Studio 7 kuti vanofungidzira kuti musangano wavo neChishanu uchaburitsa chimuko kuitira kufambisa zvido zvevashandi mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundani, avo vati vanokurudzira hutungamiri hwemasangano evashandi kuti huchikura hupfuure danho ravari kuitira kuti zvinhu zvigadzirisike.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG