Accessibility links

Breaking News

MDC T Yotarisira Kugadzwa kwaVaKomichi saSeneta weMidlands


VaDouglas Mwonzora
Bato reMDC inotungamirirwa nevaimbowe mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kutarisira kuti mutevedzeri wasachigaro waro, VaMorgen Komichi, vagadzwe semumwe wemaseneta edunhu reMidlands svondo rinouya panovhurwa paramende.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vanoti havaoni paine dambudziko rekuti VaKomichi vatoreswe mhiko sezvo bumbiro idzva remitemo yenyika richibvumidza kuti munhu anenge akanikwa nematare aine mhosva agadzwe kana achinge apikisa mutongo uyu.

Svondo rapera VaKomichi vakawanikwa nedare ramejesitiriti vaine mhosva yekutyora mutemo wezvesarudzo vakatongerwa kushanda kwemaawa mazana matatu nemakumi mashanu vachichenesa kiriniki iri mumusha weMabelreign muHarare.

Asi VaKomichi vakapikisa mutongo uyu kudare reHigh Court, kunyange hazvo vatanga neMuvhuro kupika mutongo wavo.

VaMwonzora vanoti bato ravo richazivisa zviri pamutemo mutungamiri wedare reseneti, Amai Edna Madzongwe, pamwe nemutauriri weHouse of Assembly, Va Jacob Mudenda, pamusoro pedanho iri sezvo ZEC yakasvitsa kare zita raVaKomichi kuparamende.

VaKomichi vakadomwa kuve seneta nebato ravo kuburikidza nekuhwinha zvigaro zvakawanda mudunhu reMidlands kwebato ravo, pasi pe propotional representation.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG