WASHINGTON DC —
Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, riri kukurudzira kuti paitwe ongororo yehonzeri yekufa kwevasungwa vangangosvika zana vanonzi vakafira mumajeri emunyika kubva kutanga kwegore rino.
Svondo rapera mumwe mukuru wekumajeri akazivisa kuti vanhu vangangosvika zana vakafa kumajeri emunyika zvichikonzerwa nenzara.
Asi mashoko aya akabva arambwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti majeri akawanda emunyika anorima oga chikafu chawo.
Gwaro raburitswa neZADHR rinoti panofanirwa kuitwa ongororo yechipiri yehonzeri yendufu idzi navana chiremba vakazvimirira.
Sangano iri riri kukurudzirawo kuti hurumende iumbe nzira inoburitsa pachena ndufu, hurwere, kubviswa kana kuburitswa kwevasungwa kubva pamajeri avanenge vari, iyo inoonekwa nehama
dzevasungwa ava uye kuvabvumidza kupindira panokodzera.
Sachigaro wesangano iri Doctor Rutendo Bonde vanotiwo panofanirwa kuve nekufambidza panyaya dzehutano mumajeri emunyika nebazi rezvehutano kuitira kuti vasungwa vawanewo kodzero dzavo semunhu wese.
Vanoti vasungwa vane kodzero yekubvumidzwa kuonekwa navachiremba vavanoda.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu akawanda munyika agara achishoropodza mamiriro emajeri emunyika, pamwe nezvitokisi zvinochengeterwa vasungwa vachiti hazvisviki padanho rinokurudzirwa neUnited Nations.