Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Votarisirwa Kuturira Paramende Bhajeti ra2014 Svondo Rinouya


VaPatrick Chinamasa vaitarisirwa kutura bhajeti iri muna Mbudzi asi vakakundikana
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vari kutrisirwa kuparura bhajeti regore rinouya kumatare eparamende eNational Assembly neSenate nemusi weChina svondo rinouya.

Bhajeti iri raifanirwa kunge rakaparurwa mwedzi wapera waMbudzi, asi VaChinamasa vakakumbira nguva yekuti vamborovana masoro nemapoka avanodyidzana nawo.

Kusvitswa kwebhajeti iri kuparamende kunoitika panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzeupfumi. Makambani akawanda anonzi ari kuvhara, izvo zviri kuita kuti vashandi vakawanda varasikirwe nemabasa avo.

Gore rapera bhajeti renyika raive pamabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana masere emadhora.

Asi mari zhinji yebhajeti iri inonzi yakadyiwa nemari dzemihoro yevashandi vehurumende.

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti zvinhu zvichatonyanya kuomera nyika gore rinouya sezvo hurumende iine zvikwereti zvakawandisa zvinoda kubhadharwa.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaKanyenze vanoti hapana zvikuru zvinotarisirwa pabhajeti ra2014 sezvo hurumende iine zvikwereti zvakawandisa kubva kuvashandi nemakambani ehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG