Accessibility links

Breaking News

Vagari veChitungwiza Voramba Kutambira Ongororo yeKuputswa kweZvivakwa


Vagari vanotya kuti zviri kuda kuitwa nehurumende idzokororo ye Operation Murambatsvina
Sangano revagari vekuChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, rinoti harisi kuzotambira zvichaburitswa negwaro reongororo yezvivakwa zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo kuChitungwiza nekumaruwa ekwaSeke, iro rabuda.

Sachigaro wesangano iri, VaMarvellous Khumalo, vanoti nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kusave kwevagari muchikwata chakaita ongororo iyi, vagari vanoona sekunge hurumende yakaita ongororo iyi yatove nechisungo kare.

Mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJoel Biggie Matiza, vakazivisa kuti zvichaburitswa negwaro iri ndizvo zvichashandiswa mukuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo muguta iri.

Studio 7 yakundikana kubata VaMatiza kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, vanoti vanga vasati vaona gwaro iri kuti vakwanise kutaura nezvaro.

VaMutoti nekanzuru yavo vanoti havasi kuzoputsira vagary dzimba dzavo.

Hurumende kuburikidza nebazi rezvekutongwa kwematunhu rakasunga kuti zvivakwa zvose zvakavakwa kunze kwemitemo zvinofanirwa kuputswa mumaguta pamwe nemumaruwa, danho rakatotanga kuitwa kuRuwa uko kwakaputswa matakishopu akanga avakwa zviri kunze kwemutemo.

Kanzuru yeHarare yakapa vagari mwedzi miviri yekuti vaputse voga zvivakwa zvavanoziva kuti vakavaka kunze kwemutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG