Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inosangana muHarare Ichizeya Sarudzo dzeMatunhu Dzanetsa


Sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu dzinonzi dzapesanisa vanhu muZanu PF
Sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu dzinonzi dzapesanisa vanhu muZanu PF
Vakuru vakuru muZanu PF vasangana neMuvhuro pamuzinda webato ravo muHarare kuti varonge nzira dzekuita sarudzo dzematunhu dzakachena.

Izvi zvinotevera makakatanwa ari mubato iri zvichitevera kusagutsikana pamwe nekunakurirana nyoka mhenyu kuri kuitika panyaya dzesarudzo dzehutungamiri hwematunhu.

Matunhu aya kana achinge asarudzwa, ndiwo anozosarudza hutungamiri hwebato pakongiresi iri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti pane kurwira masimba kwakanyanya pakati pemutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru, negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vari kutsigira VaMnangagwa vanoti chikwata chiri kutsigira Amai Mujuru chiri kubvongonyodza zvinhu musarudzo idzi.

Ukuwo vari kutsigira Amai vari kutiwo vari kutsigira VaMnangagwa vari kuita zvekubiridzira musarudzo dzematunhu.

Sarudzo dzakaitwa kare mumatunhu matatu anoti Manicaland, Midlands neMashonaland Central, vamwe vachiti hadzina kufambiswa zvakanaka, izvo zvakonzeresa mutauro muZanu PF.

Vamwe mubato iri vanonzi vari kuda kuti zvakabuda musarudzo dzekuMashonaland Central zviraswe, sezvo zvichinzi sarudzo idzi hadzina kuitwa nemazvo.

Asi izvi zvinonzi zvakonzera mutauro pakati pegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pamwe nemunyori mubazi iri, VaGeorge Charamba, nemutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo.

Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri webato, VaRobert Mugabe, ekuti riongorore zvinonzi zvakakanganiswa kumatunhu akaitwa sarudzo kare.

Asi mutauriri webato, VaRugare Gumbo, vanoti hapana chichaitwa mumatunhu akaitwa sarudzo kare nekuti zvakatambirwa nehutungamiri hwebato.

Asi VaMoyo naVaCharamba vanonzi vari kuti zvakabuda musarudzo idzi hazvisati zvatambirwa sezvo zvisati zvasvitswa kuPolitiburo yebato iri. VaCharamba vanonzi vakati vakatumwa nemutungamiri webato iri VaRobert Mugabe kugadzirisa nezvenyaya iyi pamire bato.

Asi VaGumbo vanoti bato ravo richamira nezvavakazivisa kuti ndizvo zvakabuda musarudzo, zvekuti VaLuke Mushore, ndivo vakakunda vaimbowe sachigaro wedunhu iri, VaDickson Mafios.

Sarudzo dzemuHarare dzinonzi dzichatungamirwa naVaSikhanyiso Ndlovu, dzekuMashonaland East dzichitungamirwa naVaObert Mpofu, Mashonaland West naVaDzikamai Mavhaire.

VaVaNicholas Goche vari kutungamira sarudzo dzichaitwa kuMasvingo, ku Matabeleland North kunenge kuina VaSydney Sekeramayi.

VaDavid Parirenyatwa vachange vari kuMatabeleland South, kuchitiwo kuBulawayo, kuchatungamirwa naVaIgnatius Chombo.

Sachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vanonzi vanenge vari kumuzinda wesarudzo vachishanda pamwe naVaDydimus Mutasa, VaWebster Shamu, Amai Oppah Muchinguri pamwe naVaAbsolom Sikhosana.

Zanu PF yakazivisa kuti sarudzo dzemumatunhu manomwe aya dzichaitwa muzuva rimwe chete musi wa 23 Mbudzi kuitira kuti pasawane matambudziko anonyuka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG