Accessibility links

Breaking News

Afrobarometer Inoti Huwori Hwakwira muAfrica Kusanganisira Zimbabwe

Ongororo yeAfrobarometer inoti huwori hwakanyanya mumapurisa nevashandi vehurumende
Ongororo yeAfrobarometer inoti huwori hwakanyanya mumapurisa nevashandi vehurumende
Zimbabwe imwe yenyika nhatu dziri pamusoro pakutadza kurwisa huori muAfrica.

Izvi zviri mugwaro reongororo munyaya dzehuwori raburitswa nesangano reAfrobarometer kuDakar, kuSenegal, iro rinoratidza kuti nyaya dzehuwori dziri kukwira munyika zhinji dzemuAfrica.

Ongororo yakaitwa iyi, iyo yakaitwa munyika makumi matatu neina dzemuuAfrica, yakaisa Zimbabwe pachinhanho chetatu panyika dzine huwori hwakanyaya iine zvikamu makumi masere nechimwe kubva muzana.

Nyika dziri pamusoro iNigeria neEgypt, idzo dzine zvikamu makumi masere mezviviri kubva muzana (82%).

Sangano iri rinoti rakaita ongororo iyi kubva muna Gumiguru wegore ra 2011 kusvika muna Chikunguru 2013 richishandisa vanhu vanodarika zvishoma zviuru makumi mashanu.

Pavanhu ava, zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana vanoti nyika dzavo hadzina kuita basa guru mukurwisana nehuwori, zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana vachiti nyika dzavo dzakaita zviri nani.

Ongororo iyi yakaburitsa pachena kuti huwori munyika idzi hwakanyanya mumapurisa, vashandi vehurumende vachiteverwa nevashandi vekumahofisi emitero.

Nyika dzinonzi dziri pasi munyaya dzehuwori iMalawi neLesotho, idzo dzine zvikamu makumi maviri nezvisere kubva muzana.

Mukokeri wemabasa muAfrobarometer, Amai Anyway Chingwete, vanoti ongororo yavo iyi inoratidza mamiriro akaita zvinhu muAfrica, kunyange hazvo vaine dzimwe nyika dzavasina kupinda nezvikonzero zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira hondo.

Africa ine nyika makumi mashanu neina zvichitevera kupatsanurwa kweSudan kuti dzimwe nyika mbiri, Sudan ne South Sudan.

Huwori Muzimbabwe hunonzi hwakakwira nezvikamu makumi mana kubva muzana pakati pemakore a2002 na2012.

Muwakidzani mukuru weZimbabwe, South Africa, iri pachinhambo chegumi neimwe nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Ongororo yeAfrobarometer yakatanga muna 1999, apo yakatanga nenyika gumi nembiri muAfrica. Ongororo iyi ndeyechishanu, uye ongororo dzeAfrobarometer dzinoitwa kamwe chete pamakore maviri.

Ongororo yechitanhatu iri kutarisirwa kunge iine nyika dzinodarika dzakaitwa muongororo yechishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG