Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voshora Chirongwa cheKuputswa kweZvivakwa


Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa panguva yeOperation Murambatsvina muna 2005
Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa panguva yeOperation Murambatsvina muna 2005
Masangano akawanda pamwe nevamwe vanhu munyika vanoti vari kushora zvikuru chirongwa chakatangwa nehurumende chekuchenura maguta pamwe nekumaruwa, kuburikidza nekuputsa zvivakwa zvakaiswa munzvimbo dzisingabvumidzwi.

Masangano akazvimirira anosanganisira Heal Zimbabwe Trust neZimbabwe Lawyers for Human Rights ndemamwe emasangano ari kushushikana nedanho iri, achiti hurumende haina kuburitsa pachena hurongwa hwekuti vachaputsirwa dzimba nezvivakwa ava, vachabatsirwa sei.

Asi vamwewo vanhu ndivo vari kuti hurumende iri mugwara rakanaka sezvo vanhu vanga voita pamadiro vachivakira pose-pose.

Mumwe weavo vari kutsigira chirongwa chekuti zvivakwa izvi zviputswe, VaGadzira Chirumhanzu, veZanu PF, vanoti masangano ari kupomera hurumende mhosva yekusave nevanhu pamwoyo, ndiwo masangano ari kufurira vanhu kuita zvakaipa muzita rejekerere.

Vanoti zvivakwa zvizhinji zviri kuiswa panzvimbo dzine pombi dzemvura, dzemasiweji pamwe netambo dzemagetsi.

Asi gurukota reMDC T rezvematunhu risiri muhurumende, local government shadow minister, uye vaive mutevedzeri wegurukota rezvematunhu muhurumende yemubatanidzwa, VaSesil Zvidzai, vanotiwo zviri kuitwa nehurumende yeZanu PF hazvina kusiyana nekurwisana nevarombo panzvimbo yekurwisana nehurombo, sezvo varombo vari ivo vanosiiwa pachena.

VaZvidzai vanoti panguva yavaive muhurumende yemubatanidzwa, vakaramba zvakasimba kuti hurumende itore matanho aya, vachiti zvaizosiya vanorwara, vakwegura pamwe nevana vadiki vave pamhene.

Vazhinji vevanhu vakavakira munzvimbo dzinonzi hadzibvumidzwi idzi vakapinda mumibatanidzwa yekuvaka dzimba kana kuti makoparetivhi, ayo anonzi airegwa achishanda hurumende isina matanho ayaitora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG