WASHINGTON DC —
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vashanyira zvivakwa zvakapwanywa kuRuwa, uko vanonzi vashora zvikuru chiitiko chekuputswa kwezvivakwa zvinonzi zviri kunze kwemutemo.
Hurumende yakashandisa chisimba kuputsa zvivakwa zvemuRuwa, izvo zvinonzi nekanzuru yeRuwa, zvakaitwa iyo isina kusumwa nehurumende.
Sachigaro vekanzuru yeRuwa, VaPhinias Mushayavanhu, ndivo vanonzi vakakoka VaTsvangirai kuti vazozvionera nemaziso avo zvakaitwa nehurumende.
VaMushayavanhu vashanyira nzvimbo dzakaputswa zvivakwa pamwe naVaTsvangirai.
Mutungamiri weMDC anoti hurumende inofanirwa kumisa chirongwa chekuputsira vanhu zvivakwa zvavo.
Hurumende yakaputsa zvivakwa nedzimba dzevanhu muchirongwa cheOperation Murambatsvina muna 2005, icho chakasiya vanhu vanodarika mazana manomwe ezviuru vasina pekugara.
Zvichakadaro, komiti yepamusoro mubato iri, yeStanding Committee, yasangana muHarare ichizeya zviri kuitika munyika pamwe nekutambira gwaro reongororo yakaitwa pamusoro pemakanzura anonzi akabatana nebato reZanu PF mukusharwa kwemameya emaguta akasiyana siyana.
Mune imwewo nyaya, nhengo dzeMDC T nhanhatu muWard 3 kuKazozo, kuNyanga North, dzinonzi dzakasungwa neMuvhuro mushure mekunge dzabvuta mbewu yaigoverwa neGrain Marketing Board.
Nhengo idzi, idzo dzinoti Amai Charity Katerere, avo vane mwana ane gore, VaGumisai Kenende, VaNorman Madakwenda, VaLawrence Madakwenda, VaLovemore Kenende pamwe naVaCrispen Tabwa, vanonzi vakazotora danho iri mushure mekunyimwa mbewu iyi nemumwe kanzura weZanu PF.
Vatanhatu ava, kusanganisira mwana mucheche uyu, vanonzi vakavharirwa pakamba yemapurisa yeRuwangwe, apo mapurisa ave kuvapomera mhosva yekuba mbeu.
Mutauriri weMDC T kuNyanga North, VaSekai Gombe, vaudza Studio 7 kuti vatanhatu ava vangangomiswa pamberi pedare neChitatu kuNyanga.
VaGombe vanotiwo vabata magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights kuti vabatsire nhengo dzavo idzi.