Mutungamiri weMDC99, VaJob Sikhala, vanoti bato ravo rabatana nebato idzva reNational Constitutional Assembly kuitira kuti vashande pamwe chete muhondo yekubvisa hutongi hweZanu PF
Gurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa, vanoti hupfumi hwenyika huri kutarisirwa kukura kusvika pazvikamu zvitanhatu nechimwe kubva muzana gore rinouya ra2014.
Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, vanoti Zimbabwe haisati yatumira mauto kunobatsira Mozambique zvichitevera kunetsana kweFrelimo neRenamo.
RBZ inonzi yakatora mari dzemakambani, masangano akazvimirira nevanhuwo zvavo dzinodarika mamiriyoni mazana mana emadhora eku America.
Vaive gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori mukuru weMDC T, VaTendai Biti, vanoti kusavepo kwenjere dzemashandisirwo emari kuchaita kuti upfumi hweZimbabwe hutonyura zvakanyanya mumatope mumwedzi iri kutevera
Munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vanoti bato ravo riri mushishi yekuzvisimudza nekuzvizunza huruva, mushure mekukundwa musarudzo idzo vanoti dzakabiridzirwa neZanu PF
SADC yati haisati yapirwa zviri pamutemo nehurumende yeMozambique kuti inoda rubatsiro rwavo here munyika iyi mushure mekunge bato rinopikisa reRenamo razivisa kuti rave kuda kudzokera kuhondo richibuda muchibvumirano cherunyararo chakaumbwa muna 1992
Zinasu inoti vari kutungamira MDC-T mukupindira muZinasu munyori wemisangano, VaNelson Chamisa nemunyori mukuru wezvechidiki, VaPromise Mkhwananzi.
Bato riri kurwisa hurumende yeMozambique, re Renamo, neMuvhuro rakazivisa kuti rabuda muchibvumirano cherunyararo chakaitwa muna 1992.
Bato reZanu PF rinoti harizofi rakarega vamwe vanozviti vemasangano akazvimirira oga vachiita madiro ajojina achiuraya nyika nekuda kuti rinzi hurumende yaro ine hutongo hwejekerere
Hurumende yeAmerica yavhura misuwo yayo mushure mekumbovhara mamwe mapazi kwemazuva gumi nematanhatu.
Zanu PF inoti ine hurongwa hwemafambisirwo anofanirwa kuitwa nyaya dzeupfumi nehurumende itsva yavepo
Mutemo wehurumende wekumanikidza kushandiswa kwemafuta ekufambisa dzimotokari akasanganiswa nemafuta erudzi rwe ethanol unonzi nevamwe vemabhizimusi haufambirane nenyaya dzekutengeserana sezvo uchinyima vamwe mikana
VaMazhuzha vanoti mari iyi ndeyekushandisa kwavati kuri kuitwa zita rekuti Movement for Democratic Change, iro vanoti ndivo vakarifunga.
Kanzuru yeHarare inonzi yatanga kuvharira mvura vagari vari kukundikana kubhadhara mitero yemvura nezvimwe
Hurumende, kuburikidza nebazi rezvemitemo, inoti haisi kuzotsigira kuurayiwa kwevanhu vakatongerwa rufu nematare edzimhosva
Pave nekusawirirana mumasangano evashandi vehurumende zvichitevera danho rakatorwa nerimwe remasangano evarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, rekuda kuti mihoro yevarairidzi vane magwaro ebasa itangire pamazana mapfumbamwe nemakumi masere ane madhora masere pamwedzi.
Hurumende inoti yatanga kuchenura muchetura wakashandiswa mukuuraya nzou makumi mapfumbamwe pamwe nedzimwewo mhuka kuHwange
Mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vazivisa dare iri kuti dunhu reBikita West harichina mumiriri mudare iri zvichitevera kudzingwa muZanu PF kwemumiriri wenzvimbo iyi, VaMunyaradzi Kereke, nebato ravo
Zanu PF iri kusangana neChina navana muzvinabhizinesi kuti vakurukure mafambiro angaite nyika munyaya dzehupfumi.
Rodhai zvimwe