Accessibility links

Breaking News

SADC Yomirira Kuziviswa Zviri Kuitika muMozambique


Chikwata cheRenamo chinonzi chakatanga zvakare kurwisa hurumende
Vakuru vakuru musangano remubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSADC, vanoti havasati vapirwa zviri pamutemo nehurumende yeMozambique kuti inoda rubatsiro rwavo here kana kuti kwete munyika iyi mushure mekunge bato rinopikisa reRenamo razivisa kuti rave kuda kudzokera kuhondo richibuda muchibvumirano cherunyararo chakaumbwa muna 1992.

Renamo inoti hurumende yeFrelimo haisi kutonga zvakanaka, uye iri kugara yakabiridzira sarudzo.

Asi nhepfenyuro yeZBC yati mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vati zvinhu zvinosuwisa zvikuru kuti Renamo iri kuronga kuda kudzokera musango kuti itange hondo muMozambique.

Amai Mujuru vati nyika dziri kunze ndidzo dziri kupesvedzera Renamo nechinangwa chekuda kuti zvinhu zvisagadzikane muMozambique.

Amai Mujuru vati Zimbabwe inogona kupindira mukuchengetedza Beira Corridor iyo inoshandiswa mukutakura zvinhu kupinda kana kubuda munyika pamwe nepombi inotakura mafuta eZimbabwe ekufambisa dzimotokari yeFeruka.

Vatiwo Zimbabwe ichagara pasi nedzimwe nyika dzemuSADC kuti iite muonera pamwe chuma chemuzukuru kuti pasaite hondo muMozambique.

Mutauriri weRenamo, VaFernando Mazanga, vanoti havasi kuda zvehondo asi kuti Frelimo ndiyo iri kuda kuuraya mutungamiri webato ravo, VaAfonso Dhlakama.

Vati VaDhlakama vari kuda zvekutaurirana. VaMazanga vati mutungamiri wavo achiri muMozambique haana kutiza.

Asi mutauriri weFrelimo, VaEdmundo Galiza Matos Jr, vati Renamo ngaisiyane nezvekuda kutanga hondo.

Vati Frelimo yakagadzirira kutaura neRenamo nezvezvichemo zvayo zvinosanganisira kuda kuvandudza zvinhu munyaya dzesarudzo.

Renamo ine zvigaro makumi mashanu nechimwe mudare reparamende, ukuwo Frelimo ine mazana maviri nemakumi mashanu.

Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaChris Mutsvangwa, vanoti hurumende yeZimbabwe iri kukurudzira kuti mapato maviri aya ataurirane, asi vakagadzirira kubatsira hurumende yeFrelimo kana Renamo yakatanga hondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehondo dzinoti kunenge kuri kukasika kumedza kutsenga uchada kuti Zimbabwe kana masangano eAfrican Union kana SADC vapindire mukunetsana kwavepo pakati pehurumende ye Frelimo nebato Renamo.

Nyanzvi mune zvehondo, Doctor Gwinyai Dzinesa, avo vanoshanda neInstitute for Security Studies muSouth Africa, vanoti zvakakosha zvikuru kuti mapato ari kunetsana maviri aya atange apiwa mukana wekutaurirana pasati pashandiswa chisimba, sezvo pachigona kuve nezvinyunyuto kubva kwaari.

Vaimbove mumiriri weDangamvura-Chikanga, uye vari nhengo yeMDC T national executive, VaGiles Mutsekwa, vanotiwo kana hondo yakazosimuka zvakasimba muMozambique, havaoni ichisvika pahondo yakamboitika munyika iyi sezvo Renamo isisina kusimba sezvayaive.

Vaviri ava vanoti kusagadzikana kweMozambique kunokwanisawo kukanganisa mamiriro ezvinhu muZimbabwe sezvo ichishandisa nyika iyi kufambisa zvinhu zvayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG