Accessibility links

Breaking News

Zvicherwa Zvotarisirwa Kuvandudza Hupfumi hweNyika


Gurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa, vanoti hupfumi hwenyika hwainoita pagore kana kuti Gross Domestic Product, huri kutarisirwa kukura kusvika pazvikamu zvitanhatu nechimwe kubva muzana, 6.1% mugore rinouya ra 2014, kubva pazvikamu zvitatu nechimwe kubva muzana 3.1% zvegore rino ra2013.

Hupfumi hukakura sematauriro ehurumende, zvinozoita kuti nyika iwane mari inoita $15.5 billion.

Vachitaura nebepanhau reThe Herald, VaChinamasa vanoti huwandu hwemari inotarisirwa kuwanikwa nenyika huchakwira nekuda kwezvicherwa.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, uye vari mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti vanowirirana nemaonero aVaChinamasa aya.

Asi vanotiwo izvi zvinogona kuzadziswa chete kana hurumende ikaita mitemo yakajeka munyaya dzehupfumi, isingakanganise kukura kweupfumi hwenyika.

VaMufukare vanoti makambani anodarika mazana manomwe akavharwa pakati pemwedzi waChikunguru 2011 kusvika mumwedzi waChikunguru wegore rino.

Vanotiwo munyaya dzemigodhi, vakawanda vari kuchera zvicherwa havasi kusvitsa mari dziri kuwanikwa kuhomwe yenyika, izvo zviri kuita kuti nyika igare ichichemachema nekushayiwa mari.
XS
SM
MD
LG