WASHINGTON DC —
Mutemo wehurumende wekumanikidza kushandiswa kwemafuta ekufambisa dzimotokari akasanganiswa nemafuta erudzi rwe ethanol unonzi nevamwe vemabhizimusi haufambirane nenyaya dzekutengeserana sezvo uchinyima vamwe mikana.
Hurumende yakaisa mutemo wekuti vanotengesa mafuta edzimotokari vatange vasanganisa mafuta epeturu yerudzi rwe unleaded zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana nezvikamu zvishanu zvemafuta erudzi rwe ethanol, voburitsa rudzi rwemafuta e E5.
Mukuru weEmployers’ Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti sevemabhizimusi, vakamboedzawo kukurudzira hurumende kuti ibvumidze kutengeswa kwepeturu yagara ichishandiswa pamwe chete nepeturu yakasanganiswa iyi, vedzimotokari vosarudza voga zvavanoda kushandisa.
Asi vanoti kurudziro yavo iyi yakaperera pasi sezvo hurumende yakaratidza kuisa zvimiti munzeve.
Nyika yakatanga kutengesa mafuta e E5 mwedzi uno, paine tarisiro yekuti achakwidzwa kusvika pa E10 mumwedzi inotevera.
Nyika dzakawanda dzave kushandisa mafuta e ethanol kunyange hazvo muZimbabwe muchine vamwe vari kutya kutambira mafuta aya vachiti anouraya dzimotokari dzavo.
Nyanzvi munyaya dzemafuta anobva muzvirimwa, uye vachishanda neTswane University of Technology muSouth Africa, Amai Chipo Mukonza vati vanotsigira kushandiswa kwemafuta anobva munzimbe aya sezvo asina zvinokuwadza dzimotokari, sezviri kutyirwa neveruzhinji.
Vatiwo kushandiswa kwemafuta aya kunounza mabasa munyika.
Asi vati dambudziko ringangovepo nderekuti nyika haisati yagadzirira zvakakwana kuti isanganise ndudzi mbiri dzemafuta idzi sezvo ine nzvimbo imwe chete inokwanisa kuitirwa izvi iri kuMsasa muHarare.