Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yokurudzirwa Kutambira Masangano Akazvimirira


Zanu PF inonzi haioni vese vemasangano akazvimirira sevari kuda kubatsira nyika
Bato reZanu PF rinoti harizofi rakarega masangano akazvimirira oga achiita madiro aJojina achiuraya nyika nekuda kuti rinzi hurumende yaro ine hutongo hwejekerere.

Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa, apo vanga vachipindura kurudziro yekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, ZHRC, yekuti bato riri kutonga iri risiyane nemuonero waro wekuti masangano akazvimirira imhandu dzenyika.

Vachitaura svondo rapera semunyarikani pamabiko ekutambidza mibhedha nerumwe rubatsiro pane mumwe musha unochengeterwa vana muHarare akaitwa nesangano rakazvimirira reZimbabwe Peace Project, mumwe komishina weZHRC, VaElasto Mugwadi, vanonzi vakati komisheni yavo ichada kugara pasi nehurumende yeZanu PF kuitira kuti ishandure maonero ayo pamasangano anobatsira aya.

Masangano anobatsira akawanda akaoneswa ndondo nehurumende yeZanu PF makore apfuura achipomerwa mhosva yekufambisa pfungwa yekushandura hurumende, izvo zvakaita kuti vamwe vavo vasungwe vachipomerwa mhosva dzakasiyana-siyana.

Asi VaMaziwisa vanoti kuratidza kuti Zimbabwe inyika ine rusununguko, munyika mune masangano akazvimirira akawanda chose, mamwe acho ari kuzokanganisa nekutsvagira nyika zvirango.

VaMaziwisa vanoti hapana nyika ingamboda kugara nevanhu vakadaro, vakati kana munyika dzakabudirira seAmerica chaidzo ndivo vanhu vanosungwa vachipomerwa mhosva dzekuita zvehugandanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG