Accessibility links

Breaking News

MDC 99 yaVaSikhala Inobatana neNCA yaVaMadhuku


Mutungamiri weMDC99, VaJob Sikhala.
Mutungamiri weMDC99, VaJob Sikhala.
Mutungamiri webato reMDC-99, VaJob Sikhala, vazivisa kuti bato ravo rabatana nebato idzva reNational Constitutional Assembly, NCA, kuitira kuti vashande pamwe chete muhondo yekubvisa hutongi hweZanu PF.

VaSikhala vanoti mapato maviri aya achashanda pamwe ari pasi pehutungamiri huripo muNCA, uhwo huru pasi penyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaLovemore Madhuku, kusvika paitwa musangano mukuru wekongiresi.

VaSikhala vanoti kongiresi iyi inotarisirwa kuitwa muna Kurume wegore rinouya, uye musangano uyu ndiwo uchasarudza hutungamiri hutsva.

VaSikhala vanoti kubatana kwavaita neNCA hakurevi kuti bato ravo ramedzwa kwete, asi kuti vaona zvakakodzera kuti vaumbe chipani chemushandira pamwe chakasimba chinokwanisa kubvisa hurumende yeZanu PF.

Vanoti zvakare hukama hwavo neNCA hahuna kutanga kubva pakashanduka NCA ichive bato rezvematongerwo enyika, asi kuti vagara vachishanda vose zvakanaka sezvakaonekwa panguva yereferendamu yebumbiro idzva remitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vatsinhira kuti bato ravo rabatana nebato raVaSikhala, uye kuti hapasi kutariswa hukuru pakutungamira mubatanidzwa uyu, asi kuti vari kushanda vakaenzana vose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti danho ratorwa naVaSikhala rinogona kunge rakanaka pachitariswa zvavakabuda nazvo pareferendamu.

Asi VaChisi vanoti mubatanidzwa uyu wakatarisana nehondo huru mbiri, yekutanga iri yekubvisa MDC pachinzvimbo chekuve bato guru rinokwikwidzana neZanu PF, yepiri iri yekuzobvisa Zanu PF yacho pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG