Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsigira Kusaurayiwa kweVakatongerwa Rufu?


VaMnangagwa vakaponawo neburi retsono vatongerwa rufu
Hurumende inoti haisi kuzotsigira kuurayiwa kwevanhu vakatongerwa rufu nematare edzimhosva.

Mashoko aya ataurwa pamusangano wekukurudzira kubviswa kwemutongo werufu pasi rose.

Vachitaura pagungano rekukurudzira kuti mutongo werufu ubviswe pasi rese, kana kuti International Day Against the Death Penalty, gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa vati vakazvipira kusiya basa pane kusaina magwaro ekuti vasungwa vakatongerwa rufu vaurayiwe.

VaMnangagwa ndivo vanokwidza mazita evanhu vanenge vatongerwa rufu kumutungamiriri wenyika uyo anove nerekupedzesera pakuti vanhu vourayiwa here kana kuti kwete.

Vati bazi ravo riri kutsvaga nzira dzekuti mutongo wevanhu ava ushandurwe kuitira kuti vagare mujeri hupenyu hwavo hwese pane kuurayiwa.

VaMnangagwa, avo vakatongerwawo rufu nehurumende yeudzvanyiri kuma 1960, vakazotadza kuurayiwa nekuti vainge vaine makore aive pasi pevanhu vaifanirwa kuurayiwa, vati kunyange hazvo bumbiro idzva richibvisa mutongo werufu kuvanhukadzi, varume vechidiki vari pasi pemakore makumi maviri nerimwe pamwe navana sorojena, chinangwa chavo ndechekuti dai mutongo werufu wabviswa zvachose.

Vati vachagara vachipikisa mutongo werufu pese pavanenge vari.

Mukuru weAmnesty International muZimbabwe, VaCousin Zilala, vanoti hurumende inofanira kubvisa mutongo uyu sezvo uri mutongo unoratidza hutsinye pamwe nekurwadzisa vanenge vasara.

Pavanhu makumi masere nevapfumbamwe vakatongerwa rufu, vaviri vavo vanhukadzi.

Zimbabwe yakapedzesera kuuraya vasungwa vanenge vatongerwo rufu muna 2005.

Mashoko aVaMnangagwa aya atambirwa nevamwe seanoratidza tsiye nyoro kubva kumunhu akaponawo nepaburi retsono munguva yehutongi hwehudzvanyiriri.

Pasi rose nyika dzakawanda dziri kurwisa kuti mutongo werufu uraswe, kunyange hazvo dzimwe nyika, kusanganisira Zimbabwe, dzichiri kushandisa mutongo uyu.

Gweta uye vari mumwe wevanhu vakanyora bumbiro idzva remitemo, uye vari mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti pavakanyora bumbiro iri vakanga vaine kupokana kukuru panyaya yekuti mutongo werufu woraswa here kana kuti kwete.

Rimwe gweta anorwira kodzero dzevanhu, uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanotiwo hurumende yeZanu PF inofanirwa kushandisa masimba ayo mukubvisa mutemo uyu zvachose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMnangagwa vashorawo dare reInternational Criminal Court vachiti rine rusarura uye rinoda kuranga vatungamiriri vemuAfrica chete richisiya vatungamiriri vedzimwe nyika dzakaita seAmerica neBritain.

Vati vaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeaorge Bush, nevaimbove mutungamiri weBritain, VaTony Blair, vangadai vakatongwa nedare iri nenyaya yekuurayisa vaimbove mutungamiri weIraq, VaSaddam Hussein, asi dare iri harina zvariri kutaura nezvenyaya iyi.

Vatiwo havaoni chikonzero chekuti vanhu vemuAfrica vaende kunotongwa kuEurope sezvo nyika dzemudunhu iri dziri idzo dzainge dzakapamba nyika dzemuAfrica.

Vati Zimbabwe haizi kusofa yakabvuma kutongwa neICC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, veNational Gallery of Zimbabwe vapemberera kudzorwa kwezvivezwa zvakabiwa muna 2006 zvikazowanikwa kuPoland.

Zvivezwa izvi zvakawanikwa nerubatsiro rweUnited States Federal Bureau of Investigations neCentral Intelligence Agency.
XS
SM
MD
LG