Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuHarare Vovharirwa Mvura neKanzuru


Polisi wa Kenya wafyetua mabomu ya kutoa machozi dhidi ya waandamanaji Nairobi
Polisi wa Kenya wafyetua mabomu ya kutoa machozi dhidi ya waandamanaji Nairobi
Kanzuru yeHarare inonzi yatanga kuvharira mvura vagari vari kukundikana kubhadhara mitero yemvura nezvimwe.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaLesley Gwindi, vakaudza bepanhau reHerald kuti kanzuru yatora danho iri nekuona kuti vagari ava havasi kusimudza musoro pakubhadhara zvikwereti zvavo, izvo vakati zvave zvemari shomashoma sezvo kanzuru yakavarasira zvimwe zvikwereti zvavo zvaibva muna 2009 kusvika pakati pegore rino.

Hatina kukwanisa kubata vagwindi kuti tinzwewo zvizhinji kubva kukanzuru.

Asi rimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, rinoti kanzuru haisi kutora matanho ekutanga yaona kuti sei vanhu ava vari kutadza kubhadhara zvikwereti zvavo.

Sachigaro weCHRA, VaSimbarashe Moyo, vanoti vamwe vari kutadza kubhadhara mari idzi vanhu vakwegura kana kuti misha iri kutungamirwa nevana vadiki.

Vamwe vagari vanoti kanzuru inofanirwa kutanga yagadzirisa nyaya dzemabhiri ayo isati yatanga kuvaomesera, sezvo vari kubhadhariswa mari dzezvavasiri kuwana.

Kanzuru yeHarare inonzi inoda mari inosvika mamiriyoni matatu emadhora mwedzi wega wega yekuti ichenese mvura yekunwa, iyo inonzi inenge yakasvibiswa zvikuru netsvina dzinonzi dziri kurasirwa munzizi dzinodira mudhamu reChivero.

Maguta mazhinji emunyika anonzi ari kunetsekanawo nenyaya yemvura iyi uye kutadza kubhadhara kwevagari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG