Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haisati Yatumira Mauto Ayo kuMozambique


VaSydney Sekeramayi
VaSydney Sekeramayi
Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, vanoti Zimbabwe haisati yatumira mauto ayo kunobatsira Mozambique zvichitevera kunetsana kwavapo pakati pebato riri kutonga, reFrelimo nebato reREnamo.

Asi VaSekeremayi vanoti Zimbabwe yakagadzirira zvemhando yepamusoro kutumira mauto ayo kana zvinhu zvikasamira zvakanaka munyika iyi.

Vachitaura nebepanhau reThe Herald, VaSekeramayi vanoti pari zvino Zimbabwe yangotumira mauto ayo kunochengetedza muganhu wenyika neMozambique.

Mozambique yave nekusagadzikana nekuda kwekurwisana kwave pakati pehurumende yeFrelimo nebato rinopikisa reRenamo, mushure mekunge Renamo yabuda muchibvumirano cherunyararo chakaitwa muna 1992.

Renamo, iyo inotungamirwa naVaAfonso Dhlakama, inoti Frelimo iri kugara yakabira musarudzo dziri kuitwa munyika nguva dzose.

Vaimbowe muuto weZimbabwe National Army, uye vakamborwawo muhondo yeMozambique apo Zimbabwe yakatukira mauto kunobatsira Frelimo kurwisa Renamo, VaSolomon “Sox” Chikowero, vanoti chinogona kuve chokwadi kuti Zimbabwe haisati yatumira mauto.

Asi VaChikowero vanotiwo havaoni hurumende yeZimbabwe ichizozivisa nyika kana yazotumira mauto.

Vachipa muenzaniso wehondo dzakarwiwa neZimbabwe makore apfuura dzakaita saiyo yekuMozambique neyekuDemocratic Republic of Congo, DRC, VaChikowero vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nehurumende yavo vagara vane tsika yekuti vanhu vanozongoita zvekunzwa mauto atobuda munyika kare.

Zimbabwe yakatumira mauto ayo muna Chikunguru 1998, apo hurumende yamuchakabvu Laurent Kabila, yakanga yoda kubviswa pachigaro nevavaipikisana navo.

Izvi zvakashora nenyika dzemuSADC, dzichiti VaMugabe havaifanirwa kunge vakaita humbimbindoga hwekutumira mauto vasina kugara pasi nevamwe vavo vemuSADC.

Asi Zimbabwe, kuburikidza naVaMugabe, avo vaive sachigaro wekomiti yeSADC inoona nezvekudzivirirwa kwedunhu rekuchamhembe kweAfrica, inoti yakaita izvi sezvo yaive sachigaro webazi reSADC iri.

Zimbabwe ine hukama kwakasimba zvikuru neMozambique hunobvira panguva yehondo yerusununguko yeZimbabwe, uye pombi yemafuta yeFeruka inopinda nemunyika iyi ichibva kunyanza ichipinda muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG