Accessibility links

Breaking News

Kutanga kweHondo muMozambique Kwokonzera Kusagadzikana


Mutungamiri ,weRenamo Afonso Dhlakama.
Mutungamiri ,weRenamo Afonso Dhlakama.
Bato riri kurwisa hurumende yeMozambique, reMozambique National Resistance, Renamo, neMuvhuro rakazivisa kuti rabuda muchibvumirano chakaitwa muna 1992 pakati pebato iri neriri kutonga reFRELIMO, icho chakaunza runyararo munyika iyi mushure mehondo yakaurayisa vanhu vanosvika miriyoni imwe chete.

Renamo yakazivisa kuti yakatora danho iri zvichitevera kurwiswa kwemuzinda wemukuru wayo, VaAfonso Dhlakama, nekutora nzvimbo yeSathunjira.

VaDhlakama vanonzi vakapona mukurwiswa uku uye havazivikanwi kuti vari kupi.

Mashoko ari kubuda anoti neChipiri Renamo yakarwisa kamba yemapurisa muguta reMaringue asi hapana mashoko evakuvara kana kufa akaburitswa.

Kusagadzikana kweMozambique kunotyirwa kuti kunogona kukanganisawo zvinhu muZimbabwe.

Munguva yavaive gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa kare kuti Zimbabwe yakagadzirira kuzvidzivirira kubva kuRenamo, izvo zvakaita kuti mauto aiswe kumuganhu wenyika mbiri idzi.

Nyanzvi mune zvehondo, Doctor Gwinyai Albert Dzinesa, avo vanoshanda nesangano reInstitute for Security Studies muSouth Africa, vanoti zvinonakidza kumirira kuona kuti sangano rekuchamhembe kweAfrica, reSADC, richabata sei nyaya iyi sezvo riri basa raro rekuona kugadzikana kwedunhu nenyika dziri musangano iri.

VaDzinesa vanotiwo Zimbabwe inototarisana nedambudziko revapoteri sezvo isingakwanisi kusarudza zvarinoda pakuti rovhura here kana kuvhara miganho yaro neMozambique.

Asi vanotiwo masangano anobatsira vapoteri anogona kuzobatsirawo Zimbabwe sezvo iyo isinawo kumira zvakanaka munyaya dzeupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG