WASHINGTON DC —
Sangano revadzidzi vepamusoro, reZimbabwe National Students Union, Zinasu, rinoti MDC T inofanirwa kusiyana netsika yekupindira mumafambisirwo esangano revadzidzi iri.
Zinasu inoti MDC-T iri kupindira mukufambiswa kwezvirongwa zvayo, izvo vinopikisana nesangano iri.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChitatu, mutungamiri weZinasu, VaPride Mkono, vadoma nhengo dzeMDC T dzinoti munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaNelson Chamisa, munyori wevechidiki muMDC T, VaPromise Mkhwananzi, pamwe nenhengo ye National Executive yebato iri, VaDennis Murira, sevatungamiri vari kupindira mumafambisirwo esangano revadzidzi iri.
VaMkono vanoti kuita kwebato reMDC T uku kwaita kuti vaendese mberi musangano wavo wakakosha wavanga vakaronga kuita kubva musi wa25 kusvika 27 Gumiguru kuenda kumazuva a 22 na 23 Mbudzi.
VaMkono vanotiwo vakazama zvikuru kuti vagare pasi neMDC T asi vakuru vavaiedza kubata havana kutora nyaya iyi seyakakosha.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaChamisa naVaMurira kuti tinzwe divi ravo.
Asi munyori musangano revechidiki muMDC T, VaMkhwananzi, varamba mashoko eZinasu aya vachiti bato ravo ibato rakaumbwa kubva muvadzidzi, izvo zvinoita kuti riremekedze sangano reZinasu.
VaMkhwananzi vanotiwo kana Zinasu ine chekupokana nacho inofanirwa kuenda kumahofisi ebato iri vogara pasi, pane kuenda kuvatori venhau.