Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvinoreva Kumbovharwa kweHurumende muAmerica


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama,
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama,
Hurumende yeAmerica yavhura misuwo yayo mushure mekumbovhara mamwe mapazi kwemazuva gumi nematanhatu.

Izvi zvinoitika panguva iyo vedare reparamende vasiri kuwirirana, uye vakatarisana nemutoro mukuru wekugadzirisa kusawirirana kukuru pamusoro pekuti nyika yoshandisa marii nemitero.

Mutungamiri wenyika iyi, VaBarack Obama, vebato reDemocratic Party, nevavanopikisana navo vebato reRepublican Party vari mudare reCongress, vanga vachikundikana kuwirirana pamusoro pebhajeti renyika mumakore mashanu avapinda muWhite House, vachipedzisira voshandisa dzimwe nzira dzekuti hurumende irambe ichienda mberi.

Vakuru mumapato eDemocratic neRepublican vakatanga hurukuro nemusi weChina dzekuedza kugadzirisa kusawirirana kwavo pabhajeti ra2014 iro rakazopasiswa nedzimba mbiri dzemare reCongress neSenate.

Dare reseneti riri pasi pe Democrat Party, ukuwo House of Representatives iri pasi pebato reRepublican Party.

Kuvhurwa kwehurumende uye kuwedzerwa kwemasimba ekukwereta mari kunoda kuti vari kuita hurukuro idzi vange vawirirana pamusoro pebhajeti ra2014 panosvika pakati paZvita, mari shoma yebhajeti yakapihwa hurumende isati yapera panosvika pakati paNdira wegore rinouya.

Vachitaura kumuzinda weWhite House, VaObama vakaburitsa pachena zvavanoda kuti zviitwe.

Vakati chikuru chavepo iye zvino ibhajeti rinosiya kunze zvinhu zvavasingade, kuvhara maburi ari kurasa mari dzemitero asingamutse mabasa, uye kusunungura mikana yezvinhu zvinobatsira mukusimudzira nyika.

VaObama vakanga vazvipira kudzikisa mari dzinoshandiswa pamudyandigere nehutano hwevakwegura, zvichichinjaniswa nekukwidzirwa mitero kwevakapfuma.

Asi vebato reRepublican vakaramba vachipikisa nyaya yekukwidzwa zvakare kwemitero mushure mekunge vambobvuma kuita izvi gore rapera.

Kutyirwa kuti hurumende ingangovharwa zvakare muna Ndira pamusoro penyaya yebhajeti iyi kuchiripo kana hurukuro dzikatadza kubudirira.

Asi mukuru we Republican Party mudare reseneti, VaMitch Mcconnell vekuKentucky, vanoti kuvhara zvakare hurumende kukundikana muhondo yekurwisana nemutemo wechirongwa chehutano vachiti hazvibatsire kuvhara zvakare hurumende.

Zvichakadaro, dzimwe nyanzvi mune zveupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti kumbovharwa kwemamwe mapazi ehurumende yeAmerica hakuna zvikuru zvakwakakanganisa muZimbabwe, sezvo yave kunyanya kudyidzana nenyika dzekumabvazuva pamwe nemuvakidzani wayo, South Africa.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Gofrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe yave kunyanya kudyidzana nenyika dzakaita seChina, India, Brazil neEurope, izvo zvinoita kuti dambudziko remuAmerica risave repedyo pedyo kwairi.

Vatiwo kushandiswa kwemari yemuAmerica muZimbabwe hakukanganisiki nekumbovharwa kwehurumende uku, sezvo mari iyi ichingoshandiswawo nenyika dzakawanda pasi rose izvo zvinoita kuti isanetse kuwana.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru webazi regwara netsvagiridzo mubato reMDC T, VaCharles Mangongera, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paNational Endowment for Democracy muWashington DC, America, vanotiwo nyika dzemuAfrica, kusanganisirawo Zimbabwe, dzinogona kudzidza zvakawanda munyaya dzekushandiswa kwehutongi hwejekerere, sezvakaratidzwa nekusashandiswa kwemasimba emutungamiri wenyika pakugadzirisa gakava iri.

VaMangongera vatiwo dai izvi zvakaitika muZimbabwe, mutungamiri wenyika aishandisa masimba ake kuparadza hurumende odzika mutemo waanoda mukupedza gakava iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG