Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovimbisa Kudzosera Mari Dzakatorwa neRBZ


VaGideon Gono
VaGideon Gono
Hurumende inonzi ine hurongwa hwekudzosera mari dzakatorwa kubva mumabhanga emakambani, masangano akazvimirira nevanhuwo zvavo nebhanga guru renyika munguva yekuoma kwezvinhu munyika.

Bepanhau reThe Herald rinoti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakavimbisa kuti hurumende ichatanga danho iri kuburikidza nekuisa mari iyi mubhajeti ra 2014 iro rave kugadzirwa, vachiti izvi zvichaita kuti vanhu vave nechivimbo zvakare nehurumende.

Vanonzi vakatiwo zvikwereti zvakatorwa neReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, panguva iyi zvave pasi pehurumende, iyo ichaona kuti zvabhadharwa.

RBZ inonzi yakatora mari dzemakambani, masangano akazvimirira nevanhuwo zvavo dzinodarika mamiriyoni mazana mana emadhora eku America.

Mamwe makambani nemasangano akatokwira kumatare edzimhosva achida kudzoserwa mari dzawo.

Asi nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti mashoko aVaChinamasa aya manatsa mukanwa chete, sezvo hurumende isina kwainowana mari iyi.

VaMutasa vanotiwo hurumende ine zvakawanda zvinoda mari nekukasika zvayakatarisana nzvo, zvekuti kuvimbisa kubhadhara zvikwereti izvi zvakafanana nasaimba vanoti vanoda kubatsira mhuri yavakavakidzana nayo, asi yavo ichitambura.
XS
SM
MD
LG