WASHINGTON DC —
Bato reMDC T ratadza zvakare kuita musangano waro weStanding Committee nemusi weChina, mushure mekunge dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakundikana kuenda kumusangano uyu.
Musangano wepasvondo uyu wakatadza zvakare kuitwa nemusi weChitatu nezvikonzero zvinonzi nevamwe kusawirirana kwakanyanya kwave mubato iri pamusoro pekurudziro dzevamwe dzekuti hutungamiri hushandurwe.
Asi mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano uyu watadza kuitwa nekuti nhengo zhinhi dzanga dzakabatikana.
VaMwonzora vanoti komiti inoona nezvekufambiswa kwemashoko ndiyo yazogara ikabuda nezvisungo zvekuti bato rimise nhengo dzave kungopa mashoko pamadiro kumasangano enhau.
VaMwonzora vanoti bato ravo raona zvakakodzera kutora danho iri sezvo izvi zvave kukanganisa vatsigiri vavo pamwe nevamwe vavanodyidzana navo.
Asi VaMwonzora havana kuda kudoma mazita evanhu vari kutaura kumapepanhau vachizviita kunge vatauriri vebato, iro bato riine vanhu vakasarudzwa kunge vachitaura vakamirira bato kubva wahi kusvika kumusoro.