WASHINGTON DC —
Muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine chekuita nezvematongerwo enyika, musha wevakakwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri weUzumba muparamende vakamirira MDC T, VaPeckson Kkazingizi, unonzi wakapazwa pakati peusiku hwemusi weChina nemusi weChishanu chapfuura nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
Nhengo yeMDC T kuUzumba, VaEdson Zungunde, vanoti midziyo yakati kuti inosanganisira mbatya nezvimwe zvinokosha yakaparadzwa uye kubiwa muchiitiko ichi.
Vanoti pakashandiswa matombo, zvidhinha pamwe nematanda mukupwanya magonhi pamwe mafafitera zvemba iyi.
VaZungunde vanoti hazvishamisi kuti ndezvematongerwo enyika sezvo pagara paine vanhu vanotozivikanwa vaida kuparadza musha uyu kubva munguva yesarudzo.
Chiitiko ichi chinonzi chakamhan’arwa kumapurisa epaNhakiwa ayo anonzi akapihwawo mazita evanhu vanofungidzirwa kuti vane chekuita nekupazwa kwemusha uyu, ayo anonzi haana zvaati aita kusvika pari nhasi.
Studio 7 haina kukwanisa kubata mapurisa kanawo veZanu PF mudunhu iri kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Kunyange hazvo mumiriri weUzumba muparamende, VaSimbaneuta Mudarikwa, vari kukurudzira vanhu kuti vagarisane zvisineyi nekuti unotsigira bato ripi, dzimwe nhengo dzeMDC mudunhu iri dzinoti dziri kuoneswa chitsvuku nevatsigiri veZanu PF, zvikuru pakutambiriswa chikafu kana mbeu.