WASHINGTON DC —
Apo hurumende yeZimbabwe yave kusvitsa mazuva zana kubva payakaumbwa, sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International riri kukurudzira hurumende kuti itore matanho akakodzera kuitira kuti ione kuti yazadzisa zviga zvepasi rose pamwe nezvisungo zvayo munyaya dzeupfumi pamwe nemagariro nekodzero dzevanhu.
Sangano iri raburitsa gwaro rinotarisa zvinokwanisa kuitwa nehurumende mukati memakore mashanu anotevera, rinonzi ‘Human Rights Agenda for the New Government-2013 to 2018’.
Gwaro iri rinokurudzira kuti hurumende ione kuti mitemo yavandudzwa kuitira kuti ifambidzane nebumbiro idzva.
Gwaro iri rinokurudzirawo kuti hurumende isendeke parutivi mutemo unotongera munhu rufu, paine tarisiro yekuti mutemo uyu uraswe zvachose.
Zvimwe zviri mugwaro iri zvinosanganisira kuremekedzwa kwekodzero dzevanorwira kodzero dzevanhu, vemapato anopikisa uye munhu wese ari munyika; kumiswa kwekutamiswa kwevanhu nechisimba pamwe nekuona kuti mapurisa aremekedza pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu.
Vanoona nezvetsvakurudzo kuchamhembe kweAfrica musangano reAmnesty International, VaSimeon Mawanza, vanoti zvakakosha zvikuru kuti vadare veparamende vaende kuparamende vachiita kuti mitemo iyi ifambidzane nebumbiro remitemo.
VaMawanza vanoti sangano ravo rine vimbo yekuti hurumende inokwanisa kugadzirisa dambudziko iri, sezvo vamwe muhurumende iyi vari kuratidza chido chekuti mimwe mitemo ivandudzwe.