Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC T kuNyanga Dzinoregererwa neDare


Nhengo dzeMDC T idzi dzinonzi dzakabvuta mbeu nechisimba
Nhengo dzeMDC T idzi dzinonzi dzakabvuta mbeu nechisimba
Nhengo dzebato reMDC T nhanhatu dzakasungwa neMuvhuro kuNyanga North dzichipomerwa mhosva yekuba mbeu yaigoverwa neGrain Marketing Board, dzinonzi dzaregererwa mushure mekunge muchuchisi aturura nyaya iyi kudare reNyanga, achiti kana hurumende ikazofunga kuvamisa pamberi pematare, ichaita izvi ichishandisa masamanisi.

Nhengo idzi, idzo dzazosvika panomwe zvichitevera kusungwa kwaVaTapiwa Mandikisi neChipiri manheru, dzinonzi dzakabvuta mbeu mushure mekunyimwa nakanzura weZanu PF nekuti dzinotsigira MDC.

Vamwe vanga vachipomerwa mhosva iyi ndi Amai Charity Katerere, avo vane mwana ane gore, VaGumisai Kenende, VaNorman Madakwenda, VaLawrence Madakwenda, VaLovemore Kenende pamwe naVaCrispen Tabwa.

Zvinonzi mapurisa ati vanomwe ava vashandise mari dzavo pakuenda kuNyanga kudare.

Mushure mekuregwa vachienda, mapurisa anonzi abva asunga zvakare VaLovemore Kenende achivapomera mhosva yekurova kanzura weZanu PF musi waigovewa mbeu uyu.

VaKenende vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChina.

Bato reMDC T ragara richinyunyuta kuti nhengo dzaro munyika yose dziri kunyimwa mbeu pamwe nechikafu zvinenge zvichifanirwa kupihwa vanhu vose pachena nehurumende.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harina imwe nzira yekugadzirisa nayo nyaya iyi kunze kwekuti nhengo dzavo dzitore nechisimba zvinenge zvichitambiriswa pachena izvi, sezvo mapurisa asiri kuvabatsira.

VaMwonzora vanoti mapurisa haana danho raakatora pakaziviswa nakanzura weZanu PF kuti nhengo dzeMDC dzakanga dzisiri kuzowana mbeu iyi, asi vakamhanya kusunga vakazobvuta mbeu iyi nechisimba.

Vanotiwo nhengo dzeZanu PF hadzifanirwi kukanganiswa magariro nevavakidzani vadzo nekuda kwezvematongerwo enyika.

Vanhu vakawanda munyika vari kutarisira kumbeu nefotereza zviri kupiwa pachena izvi munguva ino yemwaka wekurima. Vamwe mumatunhu akawanda vave kutarisawo kuhurumende kuti vapiwe rubatsiro rwechikafu zvichitevera kusawana goho rakanakana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG