Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvowanda muZvitoro neKushomeka kweVatengi


Kuomerwa kwemapoka ose ezveupfumi zvichikonzerwa nekushomeka kwemari iri kushandiswa munyika, pamwe nekuderera kwehuremu hwemari yekuSouth Africa, ichienzaniswa neyekuAmerica, zvinonzi zvakonzera dambudziko rekuwanda kwezvinhu pamisika nemuzvitoro asi pasina vakawanda vari kuzvitenga.

Gwaro raburitswa nerimwe bhanga remunyika, reTetrad Bank, rinoti kuwanda kwezvinhu uku kwakonzera kuderera kwemitengo yezvinhu, chinove chiratidzo chekushomeka kwevanozvida.

Bhanga iri rinotiwo riri kukurudzira vanodzika mitemo kuti vaone kuti upfumi hwenyika hwamutsiridzwa kuburikidza nekukoka vekunze vanoda kuzotanga mabhizimusi munyika.

Mumwe mushandi webhanga iri asina kuda kudomwa nezita audzawo Studio 7 kuti bhanga ravo rinoita ongororo dzakadai svondo roga-roga vachitarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi uye kuitirawo kubatsira makasitoma avo.

Kupera kwesimba remari mukutenga zvinhu kwepagore mumwedzi waGumiguru kunonzi kwakaderera zvakanyanyisa kusvika pa 0.59 percent kubva pakatanga kushandiswa mari dzakawanda munyika makore mana apfuura, ichibva pa 0.86 percent.

Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda neLabour and Eeconomic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inofanirwa kubatana nemakambani akazvimirira kuitira kumutsiridza upfumi.

Asi VaChitambara vanoti havaoni izvi zvichiitika nekukasika sezvo vamwe vasisina chivimbo nehurumende yeZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG