Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika Thomas Mukanya Mapfumo uyo akasvitsa makore makumi manomwe nemaviri musi wa 3 Chikunguru anoti hapana chekupemberera nekuti ari muhupoteri uye vanhu vakawanda munyika vari kunonga svosve nemuromo.
Nyaya iri kunetsa inyaya yezvigaro uye kuti ndiyani anotungamira mubatanidzwa uyu.
Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato reNational People’s Party, VaSamuel Sipepa Nkomo, vanoti Zanu-PF iyo ine makore ichiramba kugadzirisa nyaya yeGukurahundi, yave kuda kubata vanhu kumeso.
Vamwe vakuru muhurumende vanoti hurumende yave kuda kuyedza kudzora dhora remunyika zvishoma nezvishoma mushure mekunge gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vati vari kuyedza kuita dzimwe hurukuro nebhanga reAfreximbank kuti vakwerete imwe mari yekuwedzera mabond notes.
Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZim-SA Forum Muzvare Yvonne Katsande vanoti musangano wavo wekuyedza kukwezva vana veZimbabwe vari kunze kwenyika nevamwe vekunze kuti vauye kuzouchika mari munyika yeZimbabwe wakafamba zvakanaka.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weMuvhuro vakapa sangano reAfrican Union, AU, chipo chemari inosvika miriyoni imwe yemadhora
Kunyangwe hazvo ongororo yakaitwa neAfrobarometer iri kuratidza kuti vanhu vakawanda munyika vanoda kuti mapato anopikisa aumbe mubatanidzwa, izvi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida sezvo mapato matsva ari kuramba achiumbwa zuva nezuva pasina mukana wekubatan
Mapato anopikisa hurumende uye nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti kupindira kwevakuru vakuru vemauto munyaya dzezvematongerwo enyika kuchapa kuti Zimbabwe itadze kugadzikana pachitogona kudeuka ropa.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanoti sangano ravo raparura chimwe chirongwa chekutenga michina yesarudzo inonanganidza runyorwa rweminwe kana kuti “fingerprints biometric software”
VaMasire ndivo vakave mutungamiri weBotswana wechipiri kubva kuna VaSeretse Khama. VaMasire vakatungamira Botswana kubva muna 1980 kusvika muna 1998 apo vakazoenda pamudyandigere.
Munyika mune makakatanwa akasimba panyaya yekuti muimbi ane mukurumbira, Cde Chinx, igamba here kana kuti kwete. Bato reZanu-PF rakati igamba rehondo kana kuti liberation war hero nekudaro haakwanise kuvigwa pamarinda eHeroes Acre.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaIsaac Nyaumba vanoti vari kufara zvikuru nekuwana mukana wekusangana uye kutorwa mufananidzo nemutambi wenhabvu ane mukurumbira zvakanyanya pasi rose Neymar.
Nyaya yekusawirirana pakati pemhuri yemuimbi Cde Chinx nebato reZanu-PF kuti oitwa gamba renyika here kana kuti kwete yapa kuti mufi anoneke kuvigwa. .
Dr John Elijah Chanakira avo vakave munyori mukuru wekutanga mubazi rezvedzidzo apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere muna 1980 vashaya.
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nemusi weChipiri vakaenda kuMabelreign muHarare kunonyaradzana nemhuri yemuimbi anga aine mukurumbira Dickson Chingaira akashaya svondo rapera.
Vamwe vakuru vemabhizimi vari kukurudzirabanga guru renyika kuti vagadzirise dambudziko rekusashanda zvakanaka kwe chiroongwa chekuita bhizimisi pachishandiswa “real time gross settlement” kana kuti RTGS kumabhanga.
Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika Cde Chinx akashaya nezuro manheru kuchipatara cheWest End muHarare.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kuita musangano nevechidiki vebato ravo veYouth League kuSakubva Stadium nemusi weChishanu.
Nyaya yekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pakati peMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neNational People’s Party inotungamirwa naAmai Joice Mujuru uye mdc inotungamirwa navawelshman ncube inenge yave kunetsa.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekurima, VaDavid Marapira, vanoti Zimbabwe yave kurambidza kutengwa kwechibage kunze kwenyika sezvo iri kuti ine goho rakakwana uye inoda kuti varimi vemunyika vawanewo chouviri.
Rodhai zvimwe