Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Danho raVaNkosana Moyo


Doctor Nkosana Moyo
Doctor Nkosana Moyo

Kunyangwe hazvo ongororo yakaitwa neAfrobarometer iri kuratidza kuti vanhu vakawanda munyika vanoda kuti mapato anopikisa aumbe mubatanidzwa, izvi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida sezvo mapato matsva ari kuramba achiumbwa zuva nezuva pasina mukana wekubatana.

Nemusi weChina vaimbova gurukota muhurumende yeZanu PF, Doctor Nkosana Moyo, vabuda pachena kuti vari kukwikwidza gore rinouya musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaMoyo vakatiwo havaoni mubatanidzwa wemapato uchishanda sezvo kuita izvi kwakafanana nekusanganisia mvura nemafuta edzimotokari.

VaMoyo vakati vachange vari musarudzo vakamirira chikwata chinozviti Alliance for the People’s Agenda. Hapana ane mukurumbira ati aziviswa ari muchikwata ichi.

Nemusi weChitatu, gweta rinoshanda riri muHarare, Muzvare Fadzayi Mahere, vakatiwo vave kukwikwidza ku Mt Pleasant musarudzo yemumiriri wenzvimbo iyi vakazvimirira.

Mapato ezvematongerwo enyika avepo anenge ave kutoda kusvika makumi matanhatu uye akawanda acho anoti haadi zvekubatana. Ko kuwanda kwemapato anopikisa uku kunorevei chaizvo?

Gweta VaLloyd Msipa vanoti vari kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika ava vaneta nekukundikana kwevezvematongerwo enyika varipo pari zvino nekuti vagarisa.

Asi mutevedzeri wemubati wehomwe muMDC-T VaCharlton Hwende vanoti zvakanaka kuita mapato akawanda asi vamwe vacho vanoshandiswa neZanu-PF.

Hurukuro naVaCharlton Hwende naValloyd Msipa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG