Accessibility links

VaMugabe Vopa African Union Chipo cheMiriyoni yeMadhora

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weMuvhuro vakapa sangano reAfrican Union, AU, chipo chemari inosvika miriyoni imwe yemadhora.

VaMugabe vakaita izvi pakutanga kwemusangano wepakati pegore wevatungamiri venyika dzemuAfrica kumuzinda wesangano reAU kuAddis Ababa, Ethiopia.

Musangano uyu unopera nemusi weChipiri.

Muna 2015, VaMugabe vakavimbisa kuti vaizotengesa mombe mazana matatu kuti vabatsire bazi reAfrican Union Foundation. Mari yakabva pakutengeswa kwemombe idzi ndiyo inonzi yapihwa sangano iri.

Dingidira remusangano uyu rakanangana nekusimudzira vechidiki kana kuti “Harnessing the Demographic Dividend through Investments in Youth.”

Dzimwe nyaya dziri kutarisirwa kuzeyiwa kumusangano uyu dzinosanganisa kuvandudza sangano reAU, United Nations Security Council uye nyaya yekuyedza kuunza runyararo muAfrica.

Mutungamiri weGuinea, VaAlpha Conde, ndivo sachigaro weAU pari zvino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica vanoti chipo chabviswa naVaMugabe chiri kuvashamisa zvikuru sezvo vanhu vakawanda muZimbabwe vari kunonga svosve nemuromo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG