Accessibility links

Breaking News

Muimbi Thomas Mapfumo Osvitsa Makore Makumi Manomwe neMaviri Achiti Hapana Chekupemberera


Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika Thomas Mukanya Mapfumo uyo akasvitsa makore makumi manomwe nemaviri musi wa 3 Chikunguru anoti hapana chekupemberera nekuti ari muhupoteri uye vanhu vakawanda munyika vari kunonga svosve nemuromo.

Mapfumo anoti chishuwo chake ndechekuti dai ari kuZimbabwe achiyanana nehama neshamwari, asi achitiwo munhu agara asingade kuita mabhavhudhe vamwe vari munhamo. Parizvino Mapfumo ari kuEugene, Oregon muAmerica.

Mukanya uyo anozivikanwawo nekuti Hurricane Hugo kana kuti Tafirenyika akatanga kuimba nziyo dzeChimurenga munguva yehudzvinyiriri yeRhodesia akambosungwa. Munguva iyi aiimba nziyo dzakaita sa Pfumvu Paruzevha”, “Bhutsu Mutandarika”, Tumirai Vana kuHondo nedzimwe.

Pakawana nyika kuzvitonga kuzere Mapfumo akatangawo kuimba nziyo dzaishora hurumende zvikuru nenyaya dzehuori dzainge dzoitika dzakaita savanna Corruption, Marima Nzara, Mamvemve nedzimwe.

Hurukuro naThomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG