Accessibility links

Hurumende Yorambidza Kutengwa kweChibage Kunze kweNyika

  • Blessing Zulu

VaJoseph Made (L) naVaPatrick Chinamasa (R)

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekurima, VaDavid Marapira, vanoti Zimbabwe yave kurambidza kutengwa kwechibage kunze kwenyika sezvo iri kuti ine goho rakakwana uye inoda kuti varimi vemunyika vawanewo chouviri.

Hurumende inoti iri kutarisira kuti goho rechibage richasvika pamamiriyoni maviri ematani.

GMB inotiwo yaunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana maviri ekutenga chibage kubva kuvairimi.

Gurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa, uye mabhanga anokweretesa mari akaita seWorld Bank neInternational Monetary Funds, IMF, vanoti vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchati wedzerei nenyaya yekuti goho rechibage nefodya rakati nakei gore rino.

Asi zvechibage zvingabatsire here mukuvandudza hupfumi hwenyika uye munongedzo here wekuti vatema havachaita vanamugarira badza?

Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti panyaya yechibage nyika yange yatodzokera kumashure sezvo varimi vatema vange vagara vari ivo vairima chibage chakawanda chaisvika pazvikamu makumi masere kubva muzana kunyangwe varimi vachena vainge vasati vatorerwa minda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira nyaya dzezvidzidzo paZimbabwe Ezekiel Gutu University, Doctor Gift Mugano, vanoti goho rakanaka iri richabatsira nyika mukugadzirisa hupfumi.

Mashoko aya anotsinhirwawo nemurimi vari nhengo yeZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, avo vati mari yange ichitengeswa chibage kunze neZimbabwe inenge yoshandiswawo zvimwe zvinhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kunyangwe zvakanaka kuti nyika yamira kutenga chibage kunze, vanhu vanogona kuzopembedza n’anga neinobata mai sezvo zvinotengwa kunze zvinenge zviine mutengo wakaderera kukunda zvinogadzirwa munyika.

Asi VaChitambara vanoti havo munyaya dzezvehupfumi, goho rakadai rinogona kubatsira zvakanyanya munyaya dzezvehupfumi.

Mashoko aya atsinhirwa nasachigaro webhodhi reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, avo vati homwe yenyika yekutenga zvinhu kunze yange isisina kumira zvakanaka.

Hapana hapo kuwirirana kuti chii chakapa kuti goho regore rino rive nani.

VaChirumanzu vanoti chirongwa cheCommand Agriculture chakaparurwa nehurumende.

Asi mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti hurumende yave kungokohwawo nepaisina kurima nekuti vamwe varimi kunyangwe vainge vasiri muchirongwa cheCommand Agriculture vakakohwa pakuru.

VaGutu vanoti vose ava vave kungonzi vari muchirongwa chehurumende ichi.

Sachigaro wekomiti yemakurukota inoona nezvechirongwa cheCommand Agriculture, uye vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngagagwa, vanoti pasi pechirongwa ichi, murimi anovaudza ndima yaanoda kurima ivo vomupa mbeu nezvimwe zvikwanisiro.

Pannyaya yekuti sei matura akazara, Doctor Mugano vanoti havo ruvara rwekiti harwuna basa chakakosha ndechekuti iri kubata makonzo here.

VaMugano vanoti zvakakoshawo kuti hurumende yakakwanisa kuwanira varimi zvikwanisiro zvekurimisa.

Mashoko aya anotsinhirwawo negurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa.

Kunyange hazvo hupfumi hwenyika hwaimbenge hwati wedzerei munguva yehurumende yemubatanidzwa, ikozvino zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vanhu vasina mabasa nekuda kwekuvharwa kwemakambani uye kuderera kwegoho mumakore apfuura.

Vekunze havasi kuuyawo kuzotanga mabasa muZimbabwe vachiti mitemo yehurumende haina kujekesa.

Hurumende inoti hupfumi hwaenda kumazivandadzoka nenyaya yezvirango zvainoti zvakatemerwa nyika.

Asi vanopikisa vanoti inyaya yekutonga nedemo sezvo hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG