Accessibility links

Breaking News

Zim-SA Forum Yoyedza Kukwezva veMabhizimisi Kuti Vatange Mabasa muZimbabwe


Defence Minister Emmerson Mnangagwa
Defence Minister Emmerson Mnangagwa

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZim-SA Forum Muzvare Yvonne Katsande vanoti musangano wavo wekuyedza kukwezva vana veZimbabwe vari kunze kwenyika nevamwe vekunze kuti vauye kuzouchika mari munyika yeZimbabwe wakafamba zvakanaka. Musangano uyu wange uchiitirwa kuJohannesburg, South Africa.

Muzvare Katsande vanoti chinangwa chemisangano yakadai ndechekusimudzira nyika yeZimbabwe kuburikidza nekushambadza nyika kuti zvizvarwa zveZimbabwe nevamwewo vekunze vauye kuzouchika mari munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakatungamira chikwata chemakurukota eZimbabwe kumusangano uyu. Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vakati Zimbabwe yakagadzirira kuita bhizimisi nevekunze uye munyika mune mikana yakawanda. Vakatiwo Zimbabwe iri kuyedza kuvandudza mitemo kuti zvive nyore kutanga mabhizimisi munyika.

Nyazvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzange dzichichema chema kuti zvinonetsa zvikuru kutanga bhizimisi munyika sezvo paine zvirehwa rehwa zvakawanda.

VaMnangagwa vakatiwo pane mikana yakawanda inogona kubuditswa nenzvimbo dzekuitira mabhizimisi nhatu dzakaparurwa nehurumende kana kuti Special Economic Zones sector kuSunway City Integrated Industrial Park, Victoria Falls Integrated Tourism Park ne Bulawayo Industrial Hub. Vanhu vanonzi vanokwanisa kutanga mabhizimisi munyaya dzekurima, zvicherwa nehumhizha mukufambiswa kwemashoko.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yemitemo yeZimbabwe isina kunyatsojeka ndiyo inopa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama. Asi hurumende inoti hupfumi hwaenda kumawere nenyaya yezvirango zvakatemerwa nyika nevekunze.

Hurukuro naMuzvare Yvonne Katsande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG