Accessibility links

Breaking News

Kupindira kweMauto Mune Zvematongerwo eNyika Kunonzi Kunogona Kudeurisa Ropa


Mauto eZimbabwe National Army
Mauto eZimbabwe National Army

Mapato anopikisa hurumende uye nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti kupindira kwevakuru vakuru vemauto munyaya dzezvematongerwo enyika kuchapa kuti Zimbabwe itadze kugadzikana pachitogona kudeuka ropa.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakamboyambira kuti mauto nevasori vasapindire panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo asi izvi zvinenge zviri kuenderera mberi.

Mukuru wemauto, General Constantino Guveya Chiwenga, vari kukandirana makobvu nematete negurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo.

VaChiwenga vakatyisidzira VaMoyo mubepanhau reSunday Mail vachiti mutengesi nenyaya yekushora kwavari kuita chirongwa checommand agriculture.

VaMoyo vakangopindurawo vachiti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katutuke.

Muzvinafundo Moyo vanonzi vari kuchikwata chinonzi Generation 40 icho chiri kunetsana zvakasimba nechimwe chikwata chinonzi Team Lacoste chinonzi chinotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa.

VaChiwenga vanonzi vari kutsigira VaMnangangwa. VaChiwenga vakataurawo kuti VaMugabe vainge vaisa vemauto muchirongwa che command agriculture ichi kubirikidza nemukuru wemauto emuchadenga, VaPerence Shiri.

Vakuru vemauto vanombobudawo vachityisidzira mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, kunyanya vachiti havafe vakatonga nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti zviri kuitwa nemauto kutyora bumbiro remitemo yenyika.

Asi VaRuhanya vanoti mauto ndiwo musimboti wehutongi hwaVaMugabe sezvo vasisina rutsigiro rwevanhu vakawanda.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG