Accessibility links

Breaking News

Kunonoka kweRTGS Kwokanganisa veMabhizimisi


Vamwe vakuru vemabhizimi vari kukurudzirabanga guru renyika kuti vagadzirise dambudziko rekusashanda zvakanaka kwechirongwa chekuita bhizimisi pachishandiswa “real time gross settlement” kana kuti RTGS kumabhanga.

Chirongwa ichi kana chichishanda zvakanaka, mari inenge yaiswa mubhanga nemunhu kubva kune rimwe bhanga inobva yatoonekwa chiriporipocho.

Ichi ndicho chirongwa chinonzi kana chichishanda zvakanaka ndiyo nzira inokurumidzisa kutimira mari pakati pebhanga.

Mabhanga ari kumboti michina haisi kushanda zvakanaka kunyange hazvo vamwe vari kuti mabhanga anomboshandisa mari yavo zvisizvo. Vamwe vanoti vave kutomira mavhiki matatu mari yacho isati yaonekwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kana RTGS isingashande zvakanaka vanhu vemabhizimisi vanogona kumanikidzwa kubhadharisa mari yakawanda kune vanoshandisa chirongwa ichi asi vozobhadharisa shoma kune vanenge vakabata mari chaiyo.

Kunyange hazvo Reserve Bank of Zimbabwe iri kuti kusvika pari zvino yaparura mari yemabond notes inosvika mamiriyoni zana nemakumi matanhatu emadhora kubva pamamiriyoni mazana maviri emadhora avenge vachida kuparura, dambudziko remari riri kuramba richienderera mberi.

Nyaya yekutenga mari pamukoto inonzi yave kuenderera mberi nenyaya yekusashanda kweRTGS nezvimwe zvirongwa.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwa, vanoti pane dzimwe nhengo dzavo dziri kubatwa nedambudziko iri.

Hurukuro naVaSifelani Jabangwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG