Accessibility links

Breaking News

Kudomwa kweMagamba eNyika Kokonzera Mutauro


Zimbabwe Heroes Acre

Munyika mune makakatanwa akasimba panyaya yekuti muimbi ane mukurumbira, Comrade Chinx, igamba here kana kuti kwete.

Bato reZanu-PF rakati igamba rehondo kana kuti liberation war hero nekudaro haakwanise kuvigwa pamarinda eHeroes Acre nuHarare.

Asi vemhuri uye vesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vanoti Chinx aive gamba.

Kunyange hazvo mhuri yaChinx yainge yakumbira kuti Politburo yeZanu PF izeye nyaya iyi zvakare, mutauriri webato reZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vati hapana kudududza pachisungo chakaitwa.

Izvi zvasiya vanhu vakawanda vaine mibvunzo pamusoro pezvinoreva gamba renyika chairo, uye kuti ndiyani anofanira kunge achisarudza magamba aya sezvo kuvigwa kwemagamba aya kuchishandiswa mari yehurumende inobhadharwa mitero nevanhu kwete mari yeZanu-PF.

Nhengo yeZanu-PF ichimirira Chikanga-Dangamvura mudare reparamende VaEsau Mupfumi, vaudza Studio 7 kuti havaone chakaipa pakusarudzwa, kwemagamba nebato ravo.

Asi mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti masarudzirwo ari kuitwa magamba haana kunaka.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaEsau Mupfumi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG