Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vomanikidzwa Kuenda kuMusangano waVaMugabe kwaMutare?


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kuita musangano nevechidiki vebato ravo veYouth League kuSakubva Stadium nemusi weChishanu.

Asi vamwe vari kugunun’una kuti muManicaland maberekera ingwe sezvo vamwe vanhu vari kuti vari kutyisidzirwa kuti vaende kumusangano uyu.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti dzimwe nhengo dzebato reZanu-PF dziri kumanikidza vanhu kubhadhara mari yekuenda kumusangano uyu uye zvitoro, misika nezvikoro zvanzi zvivharwe.

Zvinonzi vatsigiri veZanu-PF vaimanikidza vanhu vepaWatsomba Business Centre kuMutasa Central kubhadhara madhora maviri emusangano uyu. Vamwe vanonzi vari kupunzirwawo misika yavo kuti VaMugabe vaone nzvimbo iyi yakachena.

Zvichakadaro, sangano rinoongorora sarudzo reElection Resource Centre, ERC, rinoti riri kufara nemashoko akataurwa nemusi weMuvhuro nemutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo, ekuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika inofanira kumiswa.

Asi ERC inoti muromo hauzarirwe nerwizi nekudaro Zanu-PF inofanira kuzadzikisa mashoko aya nezviito.

Mutauriri weMDC-T kuManicaland varizve mumiriri weMutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti VaMugabe havana chavaitira dunhu reManicaland chekuti vangade kuvatambira nemufaro.

Asi nhengo yeZanu-PF inomirira Dangamvura/Chikanga mudare reparamende, VaEsau Mupfumi, vanoti VaMugabe vakarwira nyika uye vari kushanda kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzezvehupfumi.

Hurukuro naVaTrevour Saruwaka naVaEsau Mupfumi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG