Accessibility links

Amai Makarau Voronga Kutenga Mimwe Michina Pamusoro peBVR

  • Blessing Zulu

Zimbabwe inoti iri kuda kutenga mimwe michina ichashandiswa musarudzo dzegore rinouya.

Michina iri kuda kutengwa iyi ichange ichishandiswa kudhinda mimwe yevanhu kuitira kuti vanhu vasavhota kanodarika kamwe chete kanobvumirwa nemutemo.

Izvi zvaburitswa pachena nasachigaro we Zimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Rita Makarau, avo vaudza Studio7 kuti sangano ravo raparura chimwe chirongwa chekutenga michina yesarudzo inonanganidza runyorwa rweminwe kana kuti fingerprints biometric software.

Michina iyi inonzi ichashanda nemimwe iri kutengwa nehurumende kubva kukambani yeLaxton Group Limited yekuChina.

Kambani iyi yakapihwa tenda yekutenga michina ye Biometric Voter Registration kits, kana kuti BVR.

Asi Amai Makarau varamba mashoko ekuti vanenge voshandawo nekambani yeNIKUV International Project yekuIsrael.

Kambani iyi inonzi nevanopikisa yakashandiswa neZanu-PF mukubiridzira sarudzo dza2013.

Bato reZanu-PF rinoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro.

Vanhu vakawanda vari kuchema chemawo zvikuru kuti nyaya yegadziriro yesarudzo iri kunonoka zvikuru kubva hurumende zvayakamisa United Nations Develoment Programme kana kuti UNDP kutenga michina mitsva yekunyoresa vanhu kuti vange vachivhota.

Amai Makarau vanoti michina iyi inofanira kutengwa mukati memweedzi mitatu kuitira kuti izoshandiswa pakuferefeta vanenge vanyoresa kuvhota.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG