Accessibility links

Breaking News

Kuumba Mubatanidzwa Pakati paVaTsvangirai, Amai Mujuru naVaNcube Kwonetsa


Nyaya yekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pakati peMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neNational People’s Party inotungamirwa naAmai Joice Mujuru uye mdc inotungamirwa navawelshman ncube inenge yave kunetsa.

Vane ruzivo nezvenhaurirano idzi vaudza Studio 7 kuti mukana wekuumba mubatanidzwa uri pakati pezvikamu gumi kubva muzana chete nenyaya yekusawirirana pahutungamiri uye kufungidzirana.

Mumwe musangano mukuru waifanira kuitwa musi wa25 kusvika 27 Chivabvu hauna kuzoitwa nenyaya yekusave nemuonera pamwe. Svondo rinouya dzimwe nhengo dzemapato aya dzange dzichitarisirwawo kuenda kuGambia neKenya kunodzidza nezvekuumba mubatanidzwa asi zvinonzi zvambosendekwa parutivi.

Mumapato macho munonziwo mune kusawirirana kwakanyanya pakati pevari kuda mubatanidzwa nevasiri kuufarira. Mapato ose aya anonzi ave kufambira mberi nekuita mazvake mazvake sezvo nguva yekuumba mubatanidzwa sarudzo dzisati dzaitwa yave shoma.

Panezvikwata zviviri zviri kubatsira munhaurirano chimwe chevematongerwo enyika chimwe chezvipangamazano.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti havasi kushamisika nekunetsa kuri kuita nhaurirano sezvo nyaya yekuda zvigaro ichigona kukanganisa kuita mubatanidzwa.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG