Nyaya yekusawirirana pakati pemhuri yemuimbi Cde Chinx nebato reZanu-PF kuti oitwa gamba renyika here kana kuti kwete yapa kuti mufi anoneke kuvigwa.
Bato reZanu-PF rakati Chinx haakodzere kuvigwa kumarinda eHeroes Acre izvo zviri kuramba kutambirwa nehama dzake nevamwe munyika.
Munyori mukuru mubazi rezvevakarwa hondo Retired Brigadier Walter Tapfumaneyi vatenda kuti hapana kuwirirana pakati pehurumende nemhuri yaCde Chinx asi vakati anofanira kuti avigwe sezvo ave nenguva yakareba ashaya.
VaTapfumanei avo vakatumwa nehurumende neshoko kumhuri yaCde Chinx kuti haana kuitwa gamba renyika vaudza Studio 7 kuti vakatenderana nemhuri kuti ange avigwa neChishanu.
Vati mhuri yaChinx yakavaudza kuti yainge yaramba kutambira kuti angonzi gamba rehondo kana kuti liberation war hero sezvo vachida kuti aende kumarinda eHeroes Acre.
Nekudaro hama dza Cde Chinx dzinoti dziri kuda kuti Zanu-PF izeye nyaya iyi zvekare. Chinx akashaya nemusi weChishanu manheru uye kusvika parizvino hapasati pave nezuva rekuti anoradzikwa rini uye kupi.
Mhuri yaCde Chinx iri kutsigirwawo nevesangano revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association riri kuti mufi aive gamba uye anofanira kuvigwa kumarinda eHeroes Acre.
Sangano iri rinoti kune vamwe vanechitsama vakavigwa kuHeroes Acre vasina kana kumbobvira vaenda kuhondo. Vanhu ava vanosanganisa VaBorder Gezi, VaElliot Manyika, VaGodfrey Chidyausiku nevamwe.
Vamwe vanoti vari kushamisika kuti hanzvadzi yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, Sabina Mugabe yakaradzikwa pamarinda aya sei. Mutauriri wesangano revakarwa hondo VaDouglas Mahiya vati sangano ravo rinoda kuti Cde Chinx vaitwe gamba renyika.
Facebook Forum