Accessibility links

Breaking News

Kuumba Mubatanidzwa kweVanopikisa Kokona N'anga Murapwa Achida


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Kunyangwe hazvo vamwe vakuru vakuru vemapato anopikisa vari kuti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa dziri kufamba zvakanaka uye vanotarisira kuti dzipetwe mukupera kwemwedzi uno, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvekuti mapato aya anenge achaguma aita mazvake mazvake muna 2018.

Nyaya iri kunetsa inyaya yezvigaro uye kuti ndiyani anotungamira mubatanidzwa uyu.

Hapana kuwiriranawo pagwara rekutora uye mapato acho anonzi avekusvika kumakumi matanhatu, awandisa zvinoita kuti nhaurirano dzinetse.

Amai Joice Mujuru vari kufanotungamira bato reNational People's Party, NPP, vakanyorerana chibvumirano nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, asi iko zvino vanonzi vave kuda kunyoreranazve chimwezve nemumwe mubatanidzwa unonzi Coalition for Democrats kana kuti CODE.

Amai Mujuru vaitarisirwa kunyorerana chibvumirano ichi neChitatu asi havana kuzoenda pasina chikonzero chakati tsvikiti chiri kupihwa.

VaTsvangirai vakanyoreranawo neChitatu chimwe chibvumirano naVaJacob Ngarivhume vanotungamira bato reTransform Zimbabwe.

Kunyangwe zvinhu zviri kunetsa muZimbabwe, mibatanidzwa yemapato anopikisa iri kushanda zvakanaka kuKenya, Madagascar, Gambia, South Africa nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zimbabwe inofanira kudzidza kubva kunyika idzi.

VaGilbert Dzikiti vanotungamira bato reDARE uye vari nhengo yeCODE vanoti vane chivimbo kuti nhaurirano dzichafamba zvakanaka.

Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, avo vanoti vanotarisira kuti nhaurirano dzipere kupera kwemwedzi sezvakataurwa nemutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, kuitira kuti vakwanise kutanga kupinda mundima vakabatana.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG