Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti Murume Wavo Akasimba seNjanji paRufu rwaCde Chinx


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe.
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe.

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nemusi weChipiri vakaenda kuMabelreign muHarare kunonyaradzana nemhuri yemuimbi anga aine mukurumbira Dickson Chingaira akashaya svondo rapera.

Vachitaura parufu urwu, Amai Mugabe vakati murume wavo, VaRobert Mugabe akasimba senjanji.

Mashoko aya anouyawo panguva iyo VaMugabe vachigara vakaenda kuSingapore kunorapwa.

Pamusoro pemufi, Amai Mugabe vati Chingaira, uyo aizivikanwa nezita rekuti Cde Chinx akafa ari munhu asina chinoshamisira muhupenyu vachiti nziyo dzake dzaibiwa dzichitsikiswa zvisiri pamutemo kana kuti piracy.

Chinx akatozotengerwa imba nesangano rinoona nezvevaimbi reZimbabwe Music Awards, kana kuti Zima, iyo yakatambidzwa mushakabvu mwedzi mishoma yadarika ari panhovo yerufu.

Amai Mugabe vakaenderera mberi vachikurudzira vari mubato ravo kuti vabatane senzira yekuremekedza Chinx pamwe nevamwe vakashakabvu vakarwa muhondo yeChimurenga. MuZanu PF mave nebondawaponda matambiro ezvidhakwa zvichitevera kutadza kwaVaMugabe kudoma munhu achatora matomhu kubva kwavari kana vachinge vabva pachigaro.

Amai Mugabe vatiwo dzimwe nyika dzakaita seNamibia neSouth Africa dzave mugwara rekutedzera zvakaitwa muZimbabwe zvekutora minda vachiti varungu pasi rose havasi kufarira kuti minda iende kuvanhu vatema.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chirongwa chehurumende chekugovera ivhu kuvatema icho chakaitwa zvine mhirizhonga ndicho chakakonzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.

Asi Amai Mugabe vati ivhu ndiro rakakonzera kuti veruzhinji vapakate pfuti vachinorwisana nehurumende yevechichena yaivapo yavanoti yaidzvanyirira vanhu vatema.

Vakaenderera mberi vachiti zvirango zvakatemerwa VaMugabe, ivo Amai Mugabe pachavo, pamwe nevamwe vakuru-vakuru muZanu PF zvakaiswa pamusana pekutorwa kwakanga kwaitwa mapurazi nehurumende.

Asi hurumende dzekunze dzinoti zvirango izvi zvakaiswa nepamusana pekutyorwa kunonzi kwaiitwa kodzero dzevanhu munyika pamwe nekubirira musarudzo.

Chinx anozivikanwa nekuimba kambo kaikurudzira kutorwa kweminda yevachena nguva yejambanja mumapurazi.

Cde Chinx
Cde Chinx

Pataenda pamhepo tanga tisati taziva kuti bato reZanu-PF razofunga zvipi panyaya yekuti Chinx opihwa ruremekedzo rwegamba renyika here kana kuti kwete sezvo gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika VaIgnatius Chombo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Chinx akashaya neChishanu chapfuura mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chegomarara.

Kubva pafa Chinx, mhuri yemushakabvu yakangomirira kunzwa kuti hurumende ichatora danho ripi zvichitevera zvikumbiro zvakasvitswa kuhurumende nebato reZanu PF, vakarwa muhondo yeChimurenga pamwe nesangano reZima.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG