Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weBotswana VaQuett Masire, Vanoshaya.


Sir Quett Masire
Sir Quett Masire

Vaimbova mutungamiri wenyika yeBotswana, VaQuett Ketumile Joni Masire, vakashaya neChina muGaborone.

VaMasire vange vave nemakore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa.

Ndivo vakave mutungamiri weBotswana wechipiri kubva kuna VaSeretse Khama. VaMasire vakatungamira Botswana kubva muna 1980 kusvika muna 1998 apo vakazoenda pamudyandigere.

Asi vakawanda vanoti ndivo mutungamiri akashanda zvakasimba kuti Botswana ive nehupfumi hwakasimba zvikuru.

Vange vachishandawo samutongi gava panyaya yekunetsana kwehurumende yeFrelimo yekuMozambique nebato rinopikisa reRenamo.

VaMasire vange vachishandawo paongororo yezvakakonzera hondo yemarudzi kuRwanda, vakayedzawo kuunza runyararo kuKenya neLesotho.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanogara vachiti VaMasire nemhuri yavo vainge vari vanasahwira vepedyo.

Muna 2013 pakashaya mudzimai waVaMasire, Amai Olebile Masire, VaMugabe nemhuri yavo yose vakaenda kunobata maoko.

Asi mubhuku renhoroondo yehupenyu hwavo rinonzi “Very Brave or Very Foolish?: Memoirs of an African Democrat.” VaMasire vakati kudyidzana naVaMugabe munyaya dzezvehupfumi kwainge kwakaoma zvikuru zvekuti vaitoona kuti hukama hwavo nehurumende yeRhodesia panyaya yekutengeserana hwainge hutori nani.

Mubhuku iri, VaMasire vakaburitsawo pachena kunetsana kwakaitika pakati paVaMugabe namuchakabvu Nelson Mandela, mutungamiri mutema wekutanga weSouth Africa.

VaMasire vanoti VaMandela vainge vasiri kufara nezvavanoiti zvaiitwa naVaMugabe kuita zanondega vachiita misangano sasachigaro wekomiti yezvematongerwo enyika yeSADC Organ on Politics asi vasingasume VaMandela vaive sachigaro weSADC panguva iyi.

Panguva iyi SADC yaida kuyedza kumisa hondo kuAngola nekuDemocratic Republic of the Congo.

Mupepeti mukuru webepanhau reZimbabwe Independent, VaDumisani Muleya, vanoti VaMasire vairemekedzwa zvikuru sechipangamazano kubva zvavakasiya basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG