America iri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaburitse zvakabuda muongororo yekupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa1 Nyamavhuvhu uye kuti vakapara mhosva iyi vasungwe.
Kunyangwe hazvo zvinhu zvakaita mhidigari munyaya dzezvehupfumi, mumwe muzvinabhizimisi wemunyika VaDavid Norupiri, muridzi wekambani yeDavipel Trading Private Limited vakasimudza mureza wenyika apo vakahwiuna mubayiro mukuru muAfrica weWorld Entrepreneurs Award muAfrica.
Komisheni iri kutungamirwa naVaKgalema Mothlante iyo yakapihwa basa rekuongorora nyaya yekupfurwa kwakaitwa vanhu muharare nemusi wa 1 Nyamavhuvhu inoti yave kuda imwe nguva yekukwenenzvera gwaro rayo kunyangwe yaimbenge yati yapedza.
Sangano re Zimbabwe School Examinations Council kana kuti ZIMSEC yazivisa kuti vakanyora bvunzo dze Grade 7 vanokwanisa kunotora zvakabuda mubvunzo idzi nemusi weChipiri.
Hurumende ichimiririrwa nebazi rezvehutano uye remari neMuvhuro yakaita hurukuro navanachiremba vari kuramwa mabasa asi zvinonzi hapana kuwirirana zvapa kuti vanachiremba vati vacharamba vachiramwa mabasa.
Komisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa 1 Nyamavhuvhu iri kutarisirwa kupa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro rizere nemusi weMugovera.
Makambani makuru, akaita seMicrosoft yemu America, JP yeku Portugal nemamwe ange pamusangano hwekuunza budiriro mudzidzo muAfrica, kana kuti 8th Innovation for Africa Summit, wange uri kuitirwa muHarare gore rino
Mutauri weMDC VaJacob Mafume varamba mashoko ekuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato ravo vaElias Mudzuri avo vakaenda kuState House nemusi weMuvhuro kunosangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzingwa mubato.
Retired Lieutenant Colonel Elliot Piki avo vange vachitarisirwa kupa humbowo pamberi pekomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare nemusi wa 1 Nyamavhuvhu vakapambwa nemusi weSvondo vanonzi vawanikwa.
Mukuru wekambani yeLife Brand Agriculture Services, VaIsrael Isdory Kembo vanoti vave kushanda nevarimi kubva mumatunhu ose emunyika kuti varime chirimwa chepfuta.
Bato reZanu-PF ndiro rakakunda musarudzo dzakaitwa kuMutoko North nemusi weMugovera.
Dambudziko rekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari ratanga zvakare munyika zvopa kuti vanhu vakawanda vatadze kugadzikana.
Mutungamiri webato reMDC VaNelson Chamisa uye mutevedzeri wasachigaro webato iri VaTendai Biti vonyorera tsamba kukomisheni iri kutungamirwa nevaive mutungamiri weSouth Africa VaKgalema Mothlante.
Gurukota rinoona nezvemaIndastiri VaMangaliso Ndlovu nemusi weMuvhuro vakaita musangano nevemaindusrty muHarare vachivakurudzira kuti vadzikise mitengo yezvinhu.
Papera gore apo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswa pachigaro nemauto neveruzhinji.
Vakafanobata chigaro chemuchuchusi mukuru wehurumende VaKumbirai Hodzi varambidza vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti kuti vaende kumusangano weAfrican Organization of Public Accounts Committees kana kuti AFROPAC, kuUganda.
Gore rimwechete mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora matomhu kubva kuna VaRobert Mugabe kuburikidza nekupindira kwakaita mauto munyaya dzezvematongerwo enyika, bato rinopikisa reMDC rinoti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka kana zvichienzaniswa nepaiva naVaMugabe muhutongi.
Mapurisa nemasoja nemusi weMuvhuro vakapa humbowo hwavo kukomisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika kuti iongorore zvakaitika pamhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu pakapfurwa vanhu vatanhatu nemauto.
Mutauriri weMDC VaJacob Mafume vanoti vakuru vakuru vanochengetedza mutangamiri webato ravo VaNelson Chamisa vambodaidzwa nemapurisa ayo anonzi ave kuferefeta nyaya yekuti vaida kupambwa nemusi weMugovera kuMabvuku vachibva kumusangano webato ravo kuMarondera.
Komisheni iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu inoti kutanga neMuchuro kusvika Chipiri ichange yotanga kubvunzurudza mapurisa nemauto nezvekupfurwa kwakaitwa vanhu vatanhatu nemauto.
Rodhai zvimwe