Accessibility links

Breaking News

VeMDC neZanu-PF Votatsurana neMaonero paHutongi hwaVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa vachitoreswa mhiko
VaEmmerson Mnangagwa vachitoreswa mhiko

Gore rimwechete mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora matomhu kubva kuna VaRobert Mugabe kuburikidza nekupindira kwakaita mauto munyaya dzezvematongerwo enyika, bato rinopikisa reMDC rinoti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka kana zvichienzaniswa nepaiva naVaMugabe muhutongi.

Asi bato riri kutonga reZanu PF rinoti pane zvakawanda zvashanduka munyaya dzehupfumi zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika huri kukura.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti hupfumi hwenyika huri kuramba huchiwira pasi zvisinei nekuti ruzhinji rweZimbabwe rwakabatana muna Mbudzi gore rapera mukuratidzira zvichitevera kupindira kwakaita masoja munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazopedzisira zvaita kuti VaMugabe vasiye basa.

Muaturiri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti hurumende yaVaMnangagwa yatadza ktungamira nyika zvakanaka sezvo vachiti makambani mazhinji arikuvhara magonhi awo kubva pakapinda VaMnangagwa panyanga. VaMafume vanoti kuvhara kuri kuita makambani uku kubudikidza nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kwakonzera kuti mabasa anyanyonetsa munyika.

Kunyange hazvo tatadza kutaura nemutaurir weZanu PF VaSimon Khaya Moyo nezvenyaya iyi sezvo vanga vachiti vari mumusangano, imwe nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti pane zvakawanda zvinobatika zvaitwa nehurumende yaVaMnangagwa zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika huri kukura.

VaMafume vanotiwo chimwe chiri kunetsa inyaya yehuori hwavanoti hwatekeshera muhurumende asi VaMnangagwa vasingatore matanho akasimba kuti vauraye honye iyi.

Asi VaMugwadi vanoti kusungwa kwakaitwa vamwe vaimbova makurukota ehurumende yaVaMugabe kunoratidza VaMnangagwa vakazvipira kurwisana nehuori.

Zvichakadai, VaMafume vanoti chiri kukonzera kuti zvinhu zvisafambe munyika inyaya yesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru vachiti chinodiwa ndechekuti akakunda chaiye musarudzo iyi ave iye anotungamira nyika.

VaChamisa vanoti ndivo vakakunda musarudzo idzi kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda izvo zvakatsinhirwa nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

VaMafume vanotiwo nyaya yekucherechedzwa kwekodzero dzevanhu iri kuramba ichitarisirwa pasi sezvaingitwa nehurumende yaVaMugabe vachitiwo vemapato anopikisa vari kuramba vachingopomerwa mhosva dzavasina kupara.

Zvichitevera kuramba zvakabuda musarudzo kuri kuitwa naVaChamisa, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiwanzotaura vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti veruzhinji vakataura kuti wavanoda kuti avatungamirire ndiVaMnangagwa vachiti kugadzwa kwakaitwa VaChamisa neveruzhinji mwedzi wapera semutungamiri wevanhu kana kuti People’s President hakuna zvakunoreva.

VaChirumhanzu vanoti veruzhinji vanenge vachitambisa nguva yavo kana vakaswera vachiteerera zvinoitwa pane nekutaurwa naVaChamisa neMDC.

Zvichakadai, muaturiri wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vanoti chinodikanwa kuti zvinhu zvinake munyika ndechekuti vemapato ezvematongerwo enyika, vemasangano anoshanda akazvimirira, vedzisvondo pamwe nevemabhizimusi vaite musangano mukuru wekuzeya kuti chii chingaitwa kugadzirisa gakava riri munyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi dzinoti zvinhu zvicharamba zvakawoma munyika kudzamara gakava rezvematongerwo enyika rine chekuita nesarudzo ragadziriswa.

Nekune rumwe rutivi, VaMnangagwa, avo vanoti vakakunda zviri pachena musarudzo dzapfuura, vanoti hurumende yavo yakazvipira kuti nyika idyidzane nedzimwe nyika munyaya dzemabhizimusi uye kugadzirisa mitemo yose inoita kuti kodzero dzevanhu dzicherechedzwe kubudikidza nekunanganisa mitemo iyi nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG